Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 15

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.Select Mark 15:1

2Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.Select Mark 15:2

3Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.Select Mark 15:3

4Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!Select Mark 15:4

5Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.Select Mark 15:5

6Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.Select Mark 15:6

7Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.Select Mark 15:7

8Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.Select Mark 15:8

9Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here?Select Mark 15:9

10Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo.Select Mark 15:10

11Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi.Select Mark 15:11

12Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha?Select Mark 15:12

13Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!Select Mark 15:13

14Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa!Select Mark 15:14

15Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.Select Mark 15:15

16Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe;Select Mark 15:16

17vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari.Select Mark 15:17

18Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!Select Mark 15:18

19Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.Select Mark 15:19

20Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.Select Mark 15:20

21Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.Select Mark 15:21

22Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.Select Mark 15:22

23Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira.Select Mark 15:23

24Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei.Select Mark 15:24

25Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.Select Mark 15:25

26Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA.Select Mark 15:26

27Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.Select Mark 15:27

28Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.Select Mark 15:28

29Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,Select Mark 15:29

30zviponese, uburuke pamuchinjikwa!Select Mark 15:30

31Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa.Select Mark 15:31

32Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.Select Mark 15:32

33Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.Select Mark 15:33

34Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?Select Mark 15:34

35Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria.Select Mark 15:35

36Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.Select Mark 15:36

37Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.Select Mark 15:37

38Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.Select Mark 15:38

39Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.Select Mark 15:39

40Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome,Select Mark 15:40

41(avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.Select Mark 15:41

42Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,Select Mark 15:42

43Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.Select Mark 15:43

44Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa.Select Mark 15:44

45Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.Select Mark 15:45

46Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva.Select Mark 15:46

47Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.Select Mark 15:47

Next: Mark 16Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.