Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 16

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vauye kunomuzodza.Select Mark 16:1

2Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wekutanga wevhiki vakauya kuguva, zuva robuda.Select Mark 16:2

3Vakati pakati pavo: Ndiani achatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva?Select Mark 16:3

4Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakange rakunguruswa, nokuti raiva guru-guru.Select Mark 16:4

5Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya rakange rigere kurudyi, rakapfeka nguvo refu chena; vakavhunduka;Select Mark 16:5

6asi rakati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavakange vamuradzika.Select Mark 16:6

7Asi endai, munoudza vadzidzi vake naPetro kuti anokutungamirirai kuGarirea, muchanomuonako sezvaakakuudzai.Select Mark 16:7

8Zvino vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vakange vachitya.Select Mark 16:8

9Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newekutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe.Select Mark 16:9

10Uyo akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira.Select Mark 16:10

11Neava vanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakange aonekwa naye, havana kutenda.Select Mark 16:11

12Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.Select Mark 16:12

13Zvino avawo vakaenda vakaudza vakange vasara; naavo vakasavatenda.Select Mark 16:13

14Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akatsiura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vakange vamuona amuka.Select Mark 16:14

15Akati kwavari: Endai munyika yese muparidze evhangeri kuchisikwa chega-chega.Select Mark 16:15

16Uyo anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achapiwa mhosva.Select Mark 16:16

17Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni, vachataura nendimi itsva;Select Mark 16:17

18vachanonga nyoka; kunyange vakanwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.Select Mark 16:18

19Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari.Select Mark 16:19

20Avo vakabuda, vakaparidza kwese-kwese, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.Select Mark 16:20

Next: Luke 1Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.