Mark 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana.Select Mark 3:1
2Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.Select Mark 3:2
3Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.Select Mark 3:3
4Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.Select Mark 3:4
5Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako, ndokutandavadza, ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe.Select Mark 3:5
6VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana neVaHerodhe vachimupikisa kuti vangamuparadza sei.Select Mark 3:6
7Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya,Select Mark 3:7
8nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari.Select Mark 3:8
9Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.Select Mark 3:9
10Nokuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vese vakange vane zvirwere.Select Mark 3:10
11Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.Select Mark 3:11
12Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.Select Mark 3:12
13Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari.Select Mark 3:13
14Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nokuti avatume kunoparidza,Select Mark 3:14
15uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.Select Mark 3:15
16NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,Select Mark 3:16
17naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;Select Mark 3:17
18naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,Select Mark 3:18
19naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba.Select Mark 3:19
20Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kunyange kudya chingwa.Select Mark 3:20
21Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga.Select Mark 3:21
22Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.Select Mark 3:22
23Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei?Select Mark 3:23
24Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.Select Mark 3:24
25Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira.Select Mark 3:25
26Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma.Select Mark 3:26
27Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho.Select Mark 3:27
28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvese zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kwese kwavanonyomba nako;Select Mark 3:28
29asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvikira narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi.Select Mark 3:29
30Nokuti vakati: Ane mweya wetsvina.Select Mark 3:30
31Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.Select Mark 3:31
32Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.Select Mark 3:32
33Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?Select Mark 3:33
34Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.Select Mark 3:34
35Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.Select Mark 3:35
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation