Mark 5
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yeVaGadharini.Select Mark 5:1
2Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,Select Mark 5:2
3uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,Select Mark 5:3
4nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.Select Mark 5:4
5Zvino nguva dzese, usiku nemasikati, waiva mumakomo nemumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.Select Mark 5:5
6Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;Select Mark 5:6
7akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.Select Mark 5:7
8Nokuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.Select Mark 5:8
9Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nokuti tiri vazhinji.Select Mark 5:9
10Akamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.Select Mark 5:10
11Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.Select Mark 5:11
12Nemadhimoni ese akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tipinde madziri.Select Mark 5:12
13Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.Select Mark 5:13
14Zvino vaifudza nguruve vakatiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.Select Mark 5:14
15Vakasvika kuna Jesu, vakaona wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.Select Mark 5:15
16Uye avo vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.Select Mark 5:16
17Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.Select Mark 5:17
18Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.Select Mark 5:18
19Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, unovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.Select Mark 5:19
20Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vese vakashamisika.Select Mark 5:20
21Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava parutivi rwegungwa.Select Mark 5:21
22Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.Select Mark 5:22
23Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu mudiki wotandadza, dai mauya muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye achararama.Select Mark 5:23
24Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.Select Mark 5:24
25Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,Select Mark 5:25
26wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvese zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,Select Mark 5:26
27wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.Select Mark 5:27
28Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.Select Mark 5:28
29Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.Select Mark 5:29
30Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?Select Mark 5:30
31Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?Select Mark 5:31
32Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.Select Mark 5:32
33Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chese.Select Mark 5:33
34Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda nerugare, poreswa pachifo chako.Select Mark 5:34
35Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei Mudzidzisi?Select Mark 5:35
36Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.Select Mark 5:36
37Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani munin'ina waJakobho.Select Mark 5:37
38Zvino wakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.Select Mark 5:38
39Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa, asi arere.Select Mark 5:39
40Vakamuseka. Asi iye wakati avabudisa vese panze, akatora baba vemwana namai nevakange vanaye, akapinda makange murere mwana.Select Mark 5:40
41Akabata ruoko rwemwana, akati kwaari: "Tarita kumi"; ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana mudiki, ndinoti kwauri, muka.Select Mark 5:41
42Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba; nokuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.Select Mark 5:42
43Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu anoziva izvi; akati apiwe kudya.Select Mark 5:43
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation