Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 7

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino kwakaunganira kwaari VaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;Select Mark 7:1

2vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.Select Mark 7:2

3Nokuti VaFarisi, neVaJudha vese, havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.Select Mark 7:3

4Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakange vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.Select Mark 7:4

5Ipapo VaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?Select Mark 7:5

6Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Rudzi urwu rwunondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.Select Mark 7:6

7Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, dziri mirairo yevanhu.Select Mark 7:7

8Nokuti munosiya murairo waMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.Select Mark 7:8

9Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.Select Mark 7:9

10Nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.Select Mark 7:10

11Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chipo kuna Mwari;Select Mark 7:11

12hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu,Select Mark 7:12

13muchishayisa shoko raMwari maturo netsika yenyu yamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.Select Mark 7:13

14Zvino wakati adanira kwaari chaunga chese akati kwavari: Nditeererei mese, munzwisise.Select Mark 7:14

15Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.Select Mark 7:15

16Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.Select Mark 7:16

17Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.Select Mark 7:17

18Akati kwavari: Saizvozvo nemwi muri vasina kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti chese chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?Select Mark 7:18

19Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa kudya kwese.Select Mark 7:19

20Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.Select Mark 7:20

21Nokuti kubva mukati mumoyo wevanhu inobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,Select Mark 7:21

22umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;Select Mark 7:22

23zvese zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.Select Mark 7:23

24Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neanozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.Select Mark 7:24

25Nokuti mukadzi waiva nemukunda mudiki akange ane mweya wetsvina, akanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.Select Mark 7:25

26Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.Select Mark 7:26

27Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.Select Mark 7:27

28Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; nokuti kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.Select Mark 7:28

29Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabuda pamukunda wako.Select Mark 7:29

30Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, mukunda arere panhovo.Select Mark 7:30

31Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.Select Mark 7:31

32Zvino vakauisa kwaari matsi yaikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.Select Mark 7:32

33Akamutora ari ega kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.Select Mark 7:33

34Atarira kumusoro kudenga, akatura befu, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!Select Mark 7:34

35Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.Select Mark 7:35

36Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi paainyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.Select Mark 7:36

37Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zvese zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.Select Mark 7:37

Next: Mark 8Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.