Mark 8
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:Select Mark 8:1
2Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya.Select Mark 8:2
3Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.Select Mark 8:3
4Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?Select Mark 8:4
5Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.Select Mark 8:5
6Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.Select Mark 8:6
7Uye vakange vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo.Select Mark 8:7
8Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.Select Mark 8:8
9Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.Select Mark 8:9
10Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.Select Mark 8:10
11Zvino VaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.Select Mark 8:11
12Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.Select Mark 8:12
13Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.Select Mark 8:13
14Zvino vadzidzi vakange vakanganwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.Select Mark 8:14
15Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yeVaFarisi nembiriso yaHerodhe.Select Mark 8:15
16Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa.Select Mark 8:16
17Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here?Select Mark 8:17
18Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here?Select Mark 8:18
19Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.Select Mark 8:19
20Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe.Select Mark 8:20
21Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?Select Mark 8:21
22Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.Select Mark 8:22
23Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.Select Mark 8:23
24Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba.Select Mark 8:24
25Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vese zvakajeka.Select Mark 8:25
26Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.Select Mark 8:26
27Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?Select Mark 8:27
28Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.Select Mark 8:28
29Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.Select Mark 8:29
30Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.Select Mark 8:30
31Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve.Select Mark 8:31
32Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.Select Mark 8:32
33Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.Select Mark 8:33
34Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.Select Mark 8:34
35Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa.Select Mark 8:35
36Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yese akarasikirwa nemweya wake?Select Mark 8:36
37Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya wake?Select Mark 8:37
38Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.Select Mark 8:38
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation