Mark 9
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.Select Mark 9:1
2Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari vega; akashandurwa chimiro pamberi pavo.Select Mark 9:2
3Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika, angagona kuzvichenesa zvikadaro.Select Mark 9:3
4Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMozisi, uye vaitaurirana naJesu.Select Mark 9:4
5Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabhi*, zvakanaka kuti tiri pano; ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, uye rimwe raEria.Select Mark 9:5
6Nokuti wakange asingazivi chekutaura; nokuti vaitya zvikuru.Select Mark 9:6
7Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, inzwai iye.Select Mark 9:7
8Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochaona munhu, asi Jesu chete anavo.Select Mark 9:8
9Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavakange vaona kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.Select Mark 9:9
10Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.Select Mark 9:10
11Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria anofanira kutanga kuuya?Select Mark 9:11
12Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo anotanga kuuya, avandudze zvinhu zvese; kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti achatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa?Select Mark 9:12
13Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvese zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.Select Mark 9:13
14Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo.Select Mark 9:14
15Pakarepo chaunga chese chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, ndokumumhanyira, chikamukwazisa.Select Mark 9:15
16Akabvunza vanyori akati: Munopikisanei navo?Select Mark 9:16
17Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauisa kwamuri mwanakomana wangu, ane mweya wechimumumu;Select Mark 9:17
18pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye anooma; zvino ndakataura nevadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.Select Mark 9:18
19Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuyisei kwandiri.Select Mark 9:19
20Vakamuuisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo.Select Mark 9:20
21Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere.Select Mark 9:21
22Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.Select Mark 9:22
23Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvese zvinogoneka kune anotenda.Select Mark 9:23
24Uye pakarepo baba vemwana vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu.Select Mark 9:24
25Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, urege kupindazve maari.Select Mark 9:25
26Zvino mweya ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.Select Mark 9:26
27Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.Select Mark 9:27
28Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega vachiti: Sei isu takange tisingagoni kuubudisa?Select Mark 9:28
29Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.Select Mark 9:29
30Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akange asingadi kuti chero ani azvizive.Select Mark 9:30
31Nokuti aidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa achamuka nezuva retatu.Select Mark 9:31
32Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.Select Mark 9:32
33Zvino wakasvika muKapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira?Select Mark 9:33
34Asi vakanyarara, nokuti munzira vakange vakakavadzana kuti mukurusa ndiani.Select Mark 9:34
35Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, achava wekupedzisira kune vese nemushandi wevese.Select Mark 9:35
36Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari:Select Mark 9:36
37Ani nani anogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, anogamuchira ini; uye ani nani anogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.Select Mark 9:37
38Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.Select Mark 9:38
39Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba muzita rangu, anogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.Select Mark 9:39
40Nokuti asingapikisani nesu, ndewedu.Select Mark 9:40
41Nokuti ani nani anokupai mukombe wemvura kuti munwe muzita rangu, nokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborasikirwi nemubairo wake.Select Mark 9:41
42Uye ani nani anogumbusa umwe wevadiki ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.Select Mark 9:42
43Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki,Select Mark 9:43
44apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.Select Mark 9:44
45Uye kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena, mumoto usingadzimiki,Select Mark 9:45
46apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.Select Mark 9:46
47Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto,Select Mark 9:47
48apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.Select Mark 9:48
49Nokuti wese acharungwa nemoto uye chibairo chese chicharungwa nemunyu.Select Mark 9:49
50Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.Select Mark 9:50
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation