Matthew 12
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya.Select Matthew 12:1
2Asi VaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata.Select Matthew 12:2
3Asi wakati kwavari: Hamuna kuverenga here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye;Select Matthew 12:3
4kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya iye kunyange nevaiva naye, kunze kwevapristi chete?Select Matthew 12:4
5Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?Select Matthew 12:5
6Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere.Select Matthew 12:6
7Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwete chibairo, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva.Select Matthew 12:7
8Nokuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.Select Matthew 12:8
9Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo.Select Matthew 12:9
10Zvino tarira, kwakange kune munhu akange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva.Select Matthew 12:10
11Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu achava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata, angarega kuribata akasimudza?Select Matthew 12:11
12Naizvozvo munhu anopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata.Select Matthew 12:12
13Zvino akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akarutandavadza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.Select Matthew 12:13
14Zvino VaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.Select Matthew 12:14
15Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vese.Select Matthew 12:15
16Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena.Select Matthew 12:16
17Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:Select Matthew 12:17
18Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwi wangu, mweya wangu maunofara maari kwazvo. Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achazivisa vahedheni kutonga.Select Matthew 12:18
19Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna achanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta.Select Matthew 12:19
20Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda.Select Matthew 12:20
21Uye vahedheni vachavimba muzita rake.Select Matthew 12:21
22Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona.Select Matthew 12:22
23Zvaunga zvese zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here?Select Matthew 12:23
24Asi VaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.Select Matthew 12:24
25Zvino Jesu wakaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nehumwe hwakapesana huchizvipikisa hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana ichizvipikisa haingamiri.Select Matthew 12:25
26Uye kana Satani achibudisa Satani, anopesana achizvipikisa; zvino ushe hwake huchamira sei?Select Matthew 12:26
27Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.Select Matthew 12:27
28Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.Select Matthew 12:28
29Kana munhu angapinda sei mumba mechikakarara akapamba nhumbi dzacho kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara? Ipapo achapamba imba yake.Select Matthew 12:29
30Uyo asina ini, anopikisana neni, neasingaunganidzi neni, anoparadzira.Select Matthew 12:30
31Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakanganwirwa chivi chese nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu.Select Matthew 12:31
32Uye ani nani anotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu achakanganwirwa; asi ani nani anotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya.Select Matthew 12:32
33Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nokuti muti unozikanwa nechibereko.Select Matthew 12:33
34Vana venyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nokuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo.Select Matthew 12:34
35Munhu wakanaka anobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa anobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yakaipa.Select Matthew 12:35
36Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa.Select Matthew 12:36
37Nokuti nemashoko ako uchanzi wakarurama, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva.Select Matthew 12:37
38Zvino vamwe vevanyori neveVaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri.Select Matthew 12:38
39Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.Select Matthew 12:39
40Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.Select Matthew 12:40
41Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nokuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.Select Matthew 12:41
42Mambokadzi wechamhembe achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.Select Matthew 12:42
43Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo, asi uchishaiwa.Select Matthew 12:43
44Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa.Select Matthew 12:44
45Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, ndokupinda ikagaramo; kugumawo kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa.Select Matthew 12:45
46Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.Select Matthew 12:46
47Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.Select Matthew 12:47
48Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani?Select Matthew 12:48
49Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu.Select Matthew 12:49
50Nokuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi namai.Select Matthew 12:50
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation