Matthew 13
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa.Select Matthew 13:1
2Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chese chakamira pamahombekombe.Select Matthew 13:2
3Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.Select Matthew 13:3
4Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.Select Matthew 13:4
5Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti pakange pasina udziku hwevhu.Select Matthew 13:5
6Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava.Select Matthew 13:6
7Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga.Select Matthew 13:7
8Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu.Select Matthew 13:8
9Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.Select Matthew 13:9
10Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?Select Matthew 13:10
11Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.Select Matthew 13:11
12Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo.Select Matthew 13:12
13Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.Select Matthew 13:13
14Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.Select Matthew 13:14
15Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa.Select Matthew 13:15
16Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.Select Matthew 13:16
17Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.Select Matthew 13:17
18Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.Select Matthew 13:18
19Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.Select Matthew 13:19
20Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;Select Matthew 13:20
21asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.Select Matthew 13:21
22Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki.Select Matthew 13:22
23Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.Select Matthew 13:23
24Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.Select Matthew 13:24
25Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.Select Matthew 13:25
26Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo.Select Matthew 13:26
27Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?Select Matthew 13:27
28Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here?Select Matthew 13:28
29Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo.Select Matthew 13:29
30Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.Select Matthew 13:30
31Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.Select Matthew 13:31
32Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzese, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.Select Matthew 13:32
33Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwese hwaviriswa.Select Matthew 13:33
34Izvi zvinhu zvese Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;Select Matthew 13:34
35kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika.Select Matthew 13:35
36Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.Select Matthew 13:36
37Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;Select Matthew 13:37
38uye munda inyika; nembeu yakanaka ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa.Select Matthew 13:38
39Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa.Select Matthew 13:39
40Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino.Select Matthew 13:40
41Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvese nevanoita zvakaipa;Select Matthew 13:41
42zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.Select Matthew 13:42
43Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.Select Matthew 13:43
44Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvese zvaanazvo akatenga munda uyo.Select Matthew 13:44
45Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera* akanaka;Select Matthew 13:45
46akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvese zvaakange anazvo, akaritenga.Select Matthew 13:46
47Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove.Select Matthew 13:47
48Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze.Select Matthew 13:48
49Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama,Select Matthew 13:49
50uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.Select Matthew 13:50
51Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.Select Matthew 13:51
52Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.Select Matthew 13:52
53Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.Select Matthew 13:53
54Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba?Select Matthew 13:54
55Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?Select Matthew 13:55
56Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzese here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvese?Select Matthew 13:56
57Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.Select Matthew 13:57
58Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.Select Matthew 13:58
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation