Matthew 15
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori neVaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti:Select Matthew 15:1
2Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika yevakuru? Nokuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa.Select Matthew 15:2
3Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika yenyu?Select Matthew 15:3
4Nokuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.Select Matthew 15:4
5Asi imwi munoti: Ani nani anoti kuna baba kana kuna mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibairo,Select Matthew 15:5
6naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika yenyu.Select Matthew 15:6
7Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti:Select Matthew 15:7
8Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni.Select Matthew 15:8
9Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu.Select Matthew 15:9
10Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise.Select Matthew 15:10
11Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.Select Matthew 15:11
12Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti VaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here?Select Matthew 15:12
13Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kudzvara chichadzurwa.Select Matthew 15:13
14Varegei; vatungamiriri vakapofumara vemapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri.Select Matthew 15:14
15Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu.Select Matthew 15:15
16Zvino Jesu akati: Imwiwo muchiri vasinganzwisisi nhai?Select Matthew 15:16
17Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvese zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, uye zvinoraswa kunze?Select Matthew 15:17
18Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu.Select Matthew 15:18
19Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba.Select Matthew 15:19
20Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu.Select Matthew 15:20
21Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni.Select Matthew 15:21
22Zvino tarira, mukadzi muKenani wakabva kumiganhu iyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni.Select Matthew 15:22
23Asi haana kumupindura shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nokuti anodanidzira shure kwedu.Select Matthew 15:23
24Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarasika eimba yaIsraeri.Select Matthew 15:24
25Zvino akauya akamunamata achiti: Ishe, ndibatsirei.Select Matthew 15:25
26Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana.Select Matthew 15:26
27Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.Select Matthew 15:27
28Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyo.Select Matthew 15:28
29Jesu ndokubva ipapo akauya parutivi rwegungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo.Select Matthew 15:29
30Zvino zvaunga zvikuru zvakauya kwaari zvine mhetamakumbo, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa;Select Matthew 15:30
31zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri.Select Matthew 15:31
32Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handidi kuvaindisa vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.Select Matthew 15:32
33Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai?Select Matthew 15:33
34Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove diki shomanene.Select Matthew 15:34
35Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu.Select Matthew 15:35
36Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga.Select Matthew 15:36
37Vakadya vese vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere.Select Matthew 15:37
38Zvino avo vakadya vakange vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana.Select Matthew 15:38
39Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara.Select Matthew 15:39
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation