Matthew 17
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu wakatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega.Select Matthew 17:1
2Zvino akashandurwa chimiro pamberi pavo, uye chiso chake chikapenya sezuva, nenguvo dzake dzikachena sechiedza.Select Matthew 17:2
3Zvino tarira, kwakaonekwa kwavari Mozisi naEria vachitaura naye.Select Matthew 17:3
4Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria.Select Matthew 17:4
5Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo; inzwai iye.Select Matthew 17:5
6Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru.Select Matthew 17:6
7Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.Select Matthew 17:7
8Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete.Select Matthew 17:8
9Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.Select Matthew 17:9
10Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?Select Matthew 17:10
11Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese.Select Matthew 17:11
12Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvese zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu achatambura navo.Select Matthew 17:12
13Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.Select Matthew 17:13
14Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti:Select Matthew 17:14
15Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nokuti ane zvipusha, anotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura.Select Matthew 17:15
16Uye ndakamuuisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa.Select Matthew 17:16
17Jesu akapindura akati: Haiwa zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuisei pano pandiri.Select Matthew 17:17
18Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyo.Select Matthew 17:18
19Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari vega, vakati: Isu takange tisingagoni nei kuribudisa?Select Matthew 17:19
20Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; uye hakuna chinhu chingakukonai.Select Matthew 17:20
21Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya.Select Matthew 17:21
22Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu obva okumikidzwa mumaoko evanhu,Select Matthew 17:22
23uye vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswa. Uye vakashurukirwa zvikuru.Select Matthew 17:23
24Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here?Select Matthew 17:24
25Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa?Select Matthew 17:25
26Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.Select Matthew 17:26
27Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako.Select Matthew 17:27
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation