Skip to content
Church.wiki
Matthew

Matthew 20

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Nokuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa.Select Matthew 20:1

2Wakati atenderana nevabati padhenario* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.Select Matthew 20:2

3Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita;Select Matthew 20:3

4akati kwavari: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo.Select Matthew 20:4

5Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo.Select Matthew 20:5

6Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rese musina chekuita?Select Matthew 20:6

7Vakati kwaari: Nokuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira chero zvakafanira.Select Matthew 20:7

8Kuzoti ava madekwani, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga.Select Matthew 20:8

9Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenario.Select Matthew 20:9

10Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivowo vakagamuchira umwe neumwe dhenario.Select Matthew 20:10

11Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba,Select Matthew 20:11

12vachiti: Ava vekupedzisira vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa.Select Matthew 20:12

13Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenario?Select Matthew 20:13

14Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo.Select Matthew 20:14

15Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?Select Matthew 20:15

16Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa.Select Matthew 20:16

17Jesu wakati achikwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari:Select Matthew 20:17

18Tarira, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu.Select Matthew 20:18

19Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu achamuka.Select Matthew 20:19

20Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakanamata vachikumbira chimwe chinhu kwaari.Select Matthew 20:20

21Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Taurai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu.Select Matthew 20:21

22Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandava kuzonwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona.Select Matthew 20:22

23Akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu.Select Matthew 20:23

24Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri.Select Matthew 20:24

25Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vevahedheni vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo.Select Matthew 20:25

26Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.Select Matthew 20:26

27Zvino ani nani anoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.Select Matthew 20:27

28SeMwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake huve rudzikunuro rwevazhinji.Select Matthew 20:28

29Vakati vachibuda kubva Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera.Select Matthew 20:29

30Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!Select Matthew 20:30

31Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!Select Matthew 20:31

32Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei?Select Matthew 20:32

33Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.Select Matthew 20:33

34Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera.Select Matthew 20:34

Next: Matthew 21Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Matthew

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.