Skip to content
Church.wiki
Matthew

Matthew 22

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino Jesu wakapindura akataurazve kwavari nemifananidzo, achiti:Select Matthew 22:1

2Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato;Select Matthew 22:2

3akatuma varanda vake kunodana vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya.Select Matthew 22:3

4Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabaiwa, uye zvinhu zvese zvagadzirwa; uyai kumuchato.Select Matthew 22:4

5Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake pachake, umwe kukutengeserana kwake;Select Matthew 22:5

6vakasara vavo vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya.Select Matthew 22:6

7Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo.Select Matthew 22:7

8Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira.Select Matthew 22:8

9Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vese vamunowana.Select Matthew 22:9

10Varanda avo vakabudira kunzira, vakaunganidza vese nekuwanda kwevavakawana, zvese vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya.Select Matthew 22:10

11Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu asina kupfeka chipfeko chemuchato;Select Matthew 22:11

12akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo.Select Matthew 22:12

13Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.Select Matthew 22:13

14Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vanosanangurwa.Select Matthew 22:14

15Zvino VaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura.Select Matthew 22:15

16Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane VaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nokuti hamutariri chimiro chevanhu.Select Matthew 22:16

17Naizvozvo tiudzei: Munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete?Select Matthew 22:17

18Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri?Select Matthew 22:18

19Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenario*.Select Matthew 22:19

20Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ndezvani?Select Matthew 22:20

21Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.Select Matthew 22:21

22Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda.Select Matthew 22:22

23Nezuva iro kwakauya kwaari VaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza,Select Matthew 22:23

24vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake achawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu.Select Matthew 22:24

25Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake.Select Matthew 22:25

26Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe.Select Matthew 22:26

27Pakupedzisira kwevese mukadzi akafawo.Select Matthew 22:27

28Zvino pakumuka, achava mukadzi waani pavanomwe? Nokuti vese vakava naye.Select Matthew 22:28

29Jesu ndokupindura, akati kwavari: Munorasika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari;Select Matthew 22:29

30nokuti pakumuka havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga.Select Matthew 22:30

31Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti:Select Matthew 22:31

32Ini ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.Select Matthew 22:32

33Zvino zvaunga zvichizvinzwa zvakashamisika nedzidziso yake.Select Matthew 22:33

34VaFarisi vakati vachinzwa kuti washaisa VaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe.Select Matthew 22:34

35Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti:Select Matthew 22:35

36Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo?Select Matthew 22:36

37Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nemurangariro wako umwe neumwe.Select Matthew 22:37

38Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru.Select Matthew 22:38

39Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe.Select Matthew 22:39

40Pamirairo iyi miviri, murairo wese nevaporofita zvakaremberedzwa.Select Matthew 22:40

41Zvino VaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza,Select Matthew 22:41

42achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi.Select Matthew 22:42

43Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomutumidza sei muMweya kuti Ishe, achiti:Select Matthew 22:43

44Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?Select Matthew 22:44

45Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, anova mwanakomana wake sei?Select Matthew 22:45

46Zvino hakuna akagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.Select Matthew 22:46

Next: Matthew 23Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Matthew

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.