Matthew 23
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake,Select Matthew 23:1
2achiti: Vanyori neVaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;Select Matthew 23:2
3saka zvese chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.Select Matthew 23:3
4Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo.Select Matthew 23:4
5Asi mabasa avo ese vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo;Select Matthew 23:5
6vanoda chinzvimbo chakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge,Select Matthew 23:6
7nekwaziso pamisika, nekunzi nevanhu: Rabhi*, Rabhi.Select Matthew 23:7
8Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mese muri hama.Select Matthew 23:8
9Musaidza munhu panyika baba venyu; nokuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga.Select Matthew 23:9
10Musaidzwawo vadzidzisi; nokuti umwe ndiye Mudzidzisi wenyu, iye Kristu.Select Matthew 23:10
11Asi mukurusa pamuri achava muranda wenyu.Select Matthew 23:11
12Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa.Select Matthew 23:12
13Asi mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi vanopinda kupinda.Select Matthew 23:13
14Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa.Select Matthew 23:14
15Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.Select Matthew 23:15
16Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava.Select Matthew 23:16
17Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene?Select Matthew 23:17
18Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane ngava.Select Matthew 23:18
19Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo, kana aritari inoita chipo chive chitsvene?Select Matthew 23:19
20Naizvozvo anopika nearitari, anopika nayo nezvese zviri pamusoro payo.Select Matthew 23:20
21Neanopika netembere, anopika nayo, neanogara mairi.Select Matthew 23:21
22Neanopika nedenga, anopika nechigaro cheushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho.Select Matthew 23:22
23Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte* neadhiri* nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo netsitsi nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe.Select Matthew 23:23
24Vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera.Select Matthew 23:24
25Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora.Select Matthew 23:25
26MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.Select Matthew 23:26
27Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yese.Select Matthew 23:27
28Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi.Select Matthew 23:28
29Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama,Select Matthew 23:29
30muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita.Select Matthew 23:30
31Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana vevakauraya vaporofita.Select Matthew 23:31
32Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu!Select Matthew 23:32
33Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena?Select Matthew 23:33
34Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita nevakachenjera nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta.Select Matthew 23:34
35Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rese rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari.Select Matthew 23:35
36Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvese zvichauya pamusoro pezera iri.Select Matthew 23:36
37Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda.Select Matthew 23:37
38Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo.Select Matthew 23:38
39Nokuti ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe.Select Matthew 23:39
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation