Matthew 25
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.Select Matthew 25:1
2Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.Select Matthew 25:2
3Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.Select Matthew 25:3
4Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.Select Matthew 25:4
5Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.Select Matthew 25:5
6Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!Select Matthew 25:6
7Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo.Select Matthew 25:7
8Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima.Select Matthew 25:8
9Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.Select Matthew 25:9
10Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.Select Matthew 25:10
11Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei!Select Matthew 25:11
12Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.Select Matthew 25:12
13Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri.Select Matthew 25:13
14Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.Select Matthew 25:14
15Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo.Select Matthew 25:15
16Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.Select Matthew 25:16
17Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri.Select Matthew 25:17
18Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.Select Matthew 25:18
19Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo.Select Matthew 25:19
20Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.Select Matthew 25:20
21Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.Select Matthew 25:21
22Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.Select Matthew 25:22
23Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.Select Matthew 25:23
24Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;Select Matthew 25:24
25zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!Select Matthew 25:25
26Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.Select Matthew 25:26
27Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.Select Matthew 25:27
28Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi.Select Matthew 25:28
29Nokuti wese anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho.Select Matthew 25:29
30Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.Select Matthew 25:30
31Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vese vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake.Select Matthew 25:31
32Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzese; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.Select Matthew 25:32
33Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.Select Matthew 25:33
34Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.Select Matthew 25:34
35Nokuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;Select Matthew 25:35
36ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.Select Matthew 25:36
37Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa?Select Matthew 25:37
38Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza?Select Matthew 25:38
39Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?Select Matthew 25:39
40Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini.Select Matthew 25:40
41Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake.Select Matthew 25:41
42Nokuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;Select Matthew 25:42
43ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.Select Matthew 25:43
44Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?Select Matthew 25:44
45Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini.Select Matthew 25:45
46Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.Select Matthew 25:46
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation