Matthew 27
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vese nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye.Select Matthew 27:1
2Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri.Select Matthew 27:2
3Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, akazvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru,Select Matthew 27:3
4achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe.Select Matthew 27:4
5Akakanda makobiri esirivheri mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira.Select Matthew 27:5
6Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nokuti mutengo weropa.Select Matthew 27:6
7Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa.Select Matthew 27:7
8Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira nhasi.Select Matthew 27:8
9Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsraeri wavakatarira mutengo;Select Matthew 27:9
10vakaaripira munda wemuumbi wehari, saShe zvaakandiraira.Select Matthew 27:10
11Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo weVaJudha here? Jesu akati kwaari: Unoreva iwe.Select Matthew 27:11
12Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu.Select Matthew 27:12
13Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvavanopupura kupokana newe here?Select Matthew 27:13
14Asi haana kumupindura kunyange pashoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru.Select Matthew 27:14
15Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada.Select Matthew 27:15
16Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakurumbira wainzi Bharabhasi.Select Matthew 27:16
17Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana Jesu anonzi Kristu?Select Matthew 27:17
18Nokuti wakange achiziva kuti vakange vamukumikidza negodo.Select Matthew 27:18
19Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake.Select Matthew 27:19
20Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu.Select Matthew 27:20
21Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi.Select Matthew 27:21
22Pirato akati kwavari: Ko ndichamuitei Jesu anonzi Kristu? Vese vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa.Select Matthew 27:22
23Zvino mutungamiriri akati: Nokuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa!Select Matthew 27:23
24Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; muchazvionera imwi.Select Matthew 27:24
25Vanhu vese ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu.Select Matthew 27:25
26Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa.Select Matthew 27:26
27Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yese ikaunganira kwaari.Select Matthew 27:27
28Vakamukurura, vakamupfekedza nguvo tsvuku.Select Matthew 27:28
29Vakati varuka korona yeminzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!Select Matthew 27:29
30Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova mumusoro wake.Select Matthew 27:30
31Vakati vamuseka, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa.Select Matthew 27:31
32Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Vakamumanikidza uyu kuti atakure muchinjikwa wake.Select Matthew 27:32
33Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya,Select Matthew 27:33
34vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti anwe; asi wakati aravira akasada kunwa.Select Matthew 27:34
35Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pechekupfeka changu.Select Matthew 27:35
36Uye vakagara pasi, vakamurindapo.Select Matthew 27:36
37Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA.Select Matthew 27:37
38Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe.Select Matthew 27:38
39Vakange vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo,Select Matthew 27:39
40vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.Select Matthew 27:40
41Saizvozvowo vapristi vakuru vachimuseka nevanyori nevakuru vachiti:Select Matthew 27:41
42Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda.Select Matthew 27:42
43Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nokuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari.Select Matthew 27:43
44Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamuseka saizvozvo.Select Matthew 27:44
45Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.Select Matthew 27:45
46Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?Select Matthew 27:46
47Vamwe vevakange vamirepo vakati vanzwa vakati: Uyu anodana Eria.Select Matthew 27:47
48Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti anwe.Select Matthew 27:48
49Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.Select Matthew 27:49
50Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya.Select Matthew 27:50
51Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.Select Matthew 27:51
52Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa.Select Matthew 27:52
53Vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji.Select Matthew 27:53
54Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari.Select Matthew 27:54
55Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.Select Matthew 27:55
56Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi.Select Matthew 27:56
57Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu.Select Matthew 27:57
58Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe.Select Matthew 27:58
59Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena.Select Matthew 27:59
60Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva.Select Matthew 27:60
61Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva.Select Matthew 27:61
62Nezuva raitevera, raitevera zuva rekugadzirira, vapristi vakuru neVaFarisi vakaungana kuna Pirato,Select Matthew 27:62
63vachiti: Ishe, tinorangarira kuti munyepedzeri uyo wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka.Select Matthew 27:63
64Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurasika kwekupedzisira kukazova kwakanyanya pane kwekutanga.Select Matthew 27:64
65Pirato akati kwavari: Mune varindi; endai murichengete sezvamunoziva.Select Matthew 27:65
66Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi.Select Matthew 27:66
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation