Matthew 28
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino pakupera kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva.Select Matthew 28:1
2Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.Select Matthew 28:2
3Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni, nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando.Select Matthew 28:3
4Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa.Select Matthew 28:4
5Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa.Select Matthew 28:5
6Haasi pano; nokuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paakange arere.Select Matthew 28:6
7Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai anokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.Select Matthew 28:7
8Ndokubva vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake.Select Matthew 28:8
9Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata.Select Matthew 28:9
10Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.Select Matthew 28:10
11Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvese zvakaitika.Select Matthew 28:11
12Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto,Select Matthew 28:12
13vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere.Select Matthew 28:13
14Kana izvi zvikazikanwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika.Select Matthew 28:14
15Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati peVaJudha kusvikira nhasi.Select Matthew 28:15
16Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira.Select Matthew 28:16
17Vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona.Select Matthew 28:17
18Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rese rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika.Select Matthew 28:18
19Endai naizvozvo muite marudzi ese vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;Select Matthew 28:19
20muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurairai; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni.Select Matthew 28:20
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation