Matthew 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya,Select Matthew 3:1
2uye achiti: Tendeukai; nokuti ushe hwematenga hwaswedera.Select Matthew 3:2
3Nokuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake.Select Matthew 3:3
4Uyuwo Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nekudya kwake kwaiva mhashu neuchi hwedondo.Select Matthew 3:4
5Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rese nedunhu rese rakapoteredza Joridhani;Select Matthew 3:5
6ndokubhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo.Select Matthew 3:6
7Asi wakati achiona vazhinji veVaFarisi neVaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakuratidzirai kuti mutize hasha dzinouya?Select Matthew 3:7
8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.Select Matthew 3:8
9Uye musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe aya kumutsira Abhurahama vana.Select Matthew 3:9
10Uye ikozvinowo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto.Select Matthew 3:10
11Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto.Select Matthew 3:11
12Ane rusero rwuri muruoko rwake, uye achachenesa buriro rake kwazvo, ndokuunganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.Select Matthew 3:12
13Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye.Select Matthew 3:13
14Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikanwa kuti ndibhabhatidzwe nemwi, asi imwi mouya kwandiri?Select Matthew 3:14
15Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nokuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kwese. Ipapo akamutendera.Select Matthew 3:15
16Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, ndokuona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake.Select Matthew 3:16
17Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.Select Matthew 3:17
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation