1 Peter 1
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Petro, muapositori waJesu Kristu, kuvaeni vakasanangurwa vekupararira kwePonto, Garatia, Kapadhokiasi, Asia, neBhitiniasi,Select 1 Peter 1:1
2maererano nekuziva zviri mberi kwaMwari Baba, mukuita vatsvene kweMweya, pakuteerera nekusasa kweropa raJesu Kristu: Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri.Select 1 Peter 1:2
3Wakaropafadzwa Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake wakatiberekazve patariro inorarama kubudikidza nekumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,Select 1 Peter 1:3
4panhaka isingaori neisina kusvibiswa uye isingabvuruvari, yakachengeterwa imwi kumatenga,Select 1 Peter 1:4
5imwi munochengetwa nesimba raMwari kubudikidza nerutendo kuruponeso rwakagadzirirwa kuzarurwa panguva yekupedzisira.Select 1 Peter 1:5
6Yamunofara mairi zvikuru, kunyange ikozvino kwechinguvana, kana zvichifanira, muri pakushungurudzwa mumiedzo yakasiyana-siyana,Select 1 Peter 1:6
7kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunokosha zvikuru kupfuura kwegoridhe rinoparara, kunyange ichiidzwa nemoto, kuwanikwe mukurumbidzwa nerukudzo nekubwinya pakuonekwa kwaJesu Kristu;Select 1 Peter 1:7
8iye musina kumuona munomuda; iye ikozvino musingamuoni asi munotenda kwaari, munofara nemufaro usingatauriki uye unorumbidzwa,Select 1 Peter 1:8
9muchigamuchira mugumo werutendo rwenyu, ruponeso rwemweya yenyu.Select 1 Peter 1:9
10Nezveruponeso urwu vaporofita vakabvunzisisa nekunzvera, ivo vakaporofita zvenyasha dzinouya kwamuri;Select 1 Peter 1:10
11vachinzvera kuti panguva ipi kana yakadini Mweya waKristu akange ari mavari yaakaratidza, paakagara apupura matambudziko maererano naKristu, nekubwinya shure kweizvi.Select 1 Peter 1:11
12Kwavari kwakaratidzwa kuti kwete kwavari ivo, asi kwatiri vaishandira zvinhu izvi, zvamunoparidzirwa ikozvino nevakakuparidzirai evhangeri neMweya Mutsvene wakatumwa kubva kudenga, zvinhu izvo vatumwa zvavanoshuva kunyatsoongorora.Select 1 Peter 1:12
13Naizvozvo masunga zviuno zvemurangariro wenyu, zvidzorei, mutaririre zvakakwana kunyasha dzinouyiswa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu;Select 1 Peter 1:13
14sevana vanoteerera, musingazvifananidzi nekuchiva kwakare pakusaziva kwenyu.Select 1 Peter 1:14
15Asi sezvo wakakudanai ari mutsvene, nemwiwo ivai vatsvene pamafambiro ese;Select 1 Peter 1:15
16nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.Select 1 Peter 1:16
17Zvino kana muchimuidza Baba, iye pasina rusarura anotonga zvinoenderana nebasa reumwe neumwe, garai panguva yeutorwa hwenyu mukutya;Select 1 Peter 1:17
18muchiziva kuti hamuna kudzikunurwa nezvinoora, sirivheri kana goridhe, pamafambiro enyu asina maturo amakagamuchira kumadzibaba enyu;Select 1 Peter 1:18
19asi neropa rinokosha raKristu seregwayana risina charinopomerwa uye risina gwapa.Select 1 Peter 1:19
20Iye zvirokwazvo wakagara azikanwa nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa panguva dzekupedzisira nekuda kwenyu,Select 1 Peter 1:20
21iye wamunotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kubva kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti rutendo rwenyu netariro zvive kuna Mwari.Select 1 Peter 1:21
22Manatsa mweya yenyu pakuteerera chokwadi kubudikidza neMweya mukuda hama nekusanyengera, dananai zvikuru nemoyo wakachena;Select 1 Peter 1:22
23maberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi.Select 1 Peter 1:23
24Nokuti nyama yese yakaita seuswa, nekubwinya kwese kwemunhu seruva reuswa. Uswa hwunosvava, neruva rahwo rinodonha;Select 1 Peter 1:24
25asi shoko raIshe rinogara nekusingaperi. Uye iri ishoko rakaparidzirwa kwamuri neevhangeri.Select 1 Peter 1:25
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation