1 Peter 5
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa.Select 1 Peter 5:1
2Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido,Select 1 Peter 5:2
3kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka.Select 1 Peter 5:3
4Zvino Mufudzi mukuru paachaonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari.Select 1 Peter 5:4
5Saizvozvo, vadiki, zviisei pasi pevakuru, uye mese muzviise pasi umwe kune mumwe, mupfekedzwe nekuzvininipisa, nokuti Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.Select 1 Peter 5:5
6Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira,Select 1 Peter 5:6
7muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kwese, nokuti iye ane hanya nemwi.Select 1 Peter 5:7
8Svinurai, rindai, nokuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba anofamba-famba achitsvaka waangapedza;Select 1 Peter 5:8
9mumupikise makasimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika.Select 1 Peter 5:9
10Asi Mwari wenyasha dzese, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye anokupedzeredzai nekukutsigisai, nekukupai simba, nekukuteyai.Select 1 Peter 5:10
11Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.Select 1 Peter 5:11
12NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri, pakufunga kwangu, ndanyora nepadiki, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari, dzamumire madziri.Select 1 Peter 5:12
13Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMariko mwanakomana wangu.Select 1 Peter 5:13
14Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mese muri muna Kristu Jesu. Ameni.Select 1 Peter 5:14
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation