2 Peter 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Ikozvino iyi, vadikanwi, itsamba yechipiri yandinokunyorerai; panaidzodzi mbiri ndinomutsa murangariro wenyu wakachena nechiyeuchidzo,Select 2 Peter 3:1
2kuti murangarire mashoko akambotaurwa nevaporofita vatsvene, nemurairo wedu tiri vaapasitori vaIshe neMuponesi;Select 2 Peter 3:2
3muchiziva ichi pakutanga, kuti kuchauya pakuguma kwemazuva vanongoseka, vachifamba maererano neruchiva rwavo pachavo,Select 2 Peter 3:3
4uye vachiti: Chiripi chivimbiso chekuuya kwake? Nokuti kubva zvarara madzibaba zvinhu zvese zvakaramba zvakadaro kubva pakutanga kwekusikwa.Select 2 Peter 3:4
5Nokuti ichi vanokanganwa maune, kuti matenga aivapo kubva kare, nenyika, iripo kubva mumvura, kubudikidza nemvura, neshoko raMwari;Select 2 Peter 3:5
6nazvo nyika yaivapo nguva iyo yakafukidzwa nemvura yakaparadzwa.Select 2 Peter 3:6
7Asi matenga nenyika zviripo ikozvino zvakachengetwa neirori shoko, zvakachengeterwa moto pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.Select 2 Peter 3:7
8Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikanwa nemwi, vadikanwi, kuti zuva rimwe kuna Ishe rakaita samakore ane churu, nemakore ane churu sezuva rimwe.Select 2 Peter 3:8
9Ishe haanonoki maererano nechivimbiso, sevamwe vanoti kunonoka; asi ane moyo murefu kwatiri, asingadi kuti ani nani aparare asi vese vasvike pakutendeuka.Select 2 Peter 3:9
10Asi zuva raIshe richasvika sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichaguranyiwa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa.Select 2 Peter 3:10
11Sezvo zvinhu izvi zvese zvichaparadzwa, imwi munofanira kuva vakadini pamafambiro matsvene nekunamata Mwari,Select 2 Peter 3:11
12makatarisira nekumhanyira kusvika kwezuva raMwari; naro matenga achipiswa achaparadzwa, nezvekutanga zvinyunguduke nekupisa kukuru.Select 2 Peter 3:12
13Asi sechivimbiso chake tinotarisira matenga matsva nenyika itsva, mazviri munogara kururama.Select 2 Peter 3:13
14Naizvozvo vadikanwi, zvamunotarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye murugare, musina gwapa uye musingamhuriki.Select 2 Peter 3:14
15Zvino muti moyo murefu waIshe wedu ruponeso, hama yedu inodikanwa Pauro sezvaakakunyoreraiwo zvichienderana nenjere dzakapiwa kwaari;Select 2 Peter 3:15
16semutsamba dzake dzesewo, achitaura madziri maererano nezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisisika, izvo avo vasina kudzidza nevasina kusimba vanozviminamisa, semamwewo magwaro, kusvika pakuparadzwa kwavo pachavo.Select 2 Peter 3:16
17Naizvozvo imwi, vadikanwi, zvamagara muchiziva, chenjerai kuti murege kutsauswa pamwe nekunyengera kwevasina murairo, muwe pakusimba kwenyu.Select 2 Peter 3:17
18Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukudzo ngaruende kwaari ikozvinowo uye kusvika zuva rekusingaperi. Ameni.Select 2 Peter 3:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation