Skip to content
Church.wiki
Philemon

Philemon 1

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu,Select Philemon 1:1

2nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako:Select Philemon 1:2

3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.Select Philemon 1:3

4Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu,Select Philemon 1:4

5ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese,Select Philemon 1:5

6kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.Select Philemon 1:6

7Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama.Select Philemon 1:7

8Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,Select Philemon 1:8

9asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu.Select Philemon 1:9

10Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo,Select Philemon 1:10

11wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri,Select Philemon 1:11

12wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu;Select Philemon 1:12

13wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;Select Philemon 1:13

14asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido.Select Philemon 1:14

15Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi;Select Philemon 1:15

16arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe.Select Philemon 1:16

17Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini.Select Philemon 1:17

18Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri;Select Philemon 1:18

19ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako.Select Philemon 1:19

20Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe.Select Philemon 1:20

21Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva.Select Philemon 1:21

22Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.Select Philemon 1:22

23Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu,Select Philemon 1:23

24Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.Select Philemon 1:24

25Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni.Select Philemon 1:25

Next: Hebrews 1Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Philemon

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.