Skip to content
Church.wiki
Philippians

Philippians 1

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vese muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni:Select Philippians 1:1

2Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.Select Philippians 1:2

3Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzese,Select Philippians 1:3

4nguva dzese pamunyengetero wangu wega-wega pamusoro penyu mese ndichiita munyengetero nemufaro,Select Philippians 1:4

5nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvikira ikozvino;Select Philippians 1:5

6ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvikira zuva raJesu Kristu;Select Philippians 1:6

7sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mese, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvese muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mese muri vagovani pamwe neni venyasha.Select Philippians 1:7

8Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mese zvikuru sei muura hwaJesu Kristu.Select Philippians 1:8

9Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kwese,Select Philippians 1:9

10kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasine mhosva, kusvikira zuva raKristu,Select Philippians 1:10

11makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari.Select Philippians 1:11

12Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri;Select Philippians 1:12

13zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wese nekuvamwe vese.Select Philippians 1:13

14Nevazhinji vehama muna Ishe, vavimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi.Select Philippians 1:14

15Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka;Select Philippians 1:15

16vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu.Select Philippians 1:16

17Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri.Select Philippians 1:17

18Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzese, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve.Select Philippians 1:18

19Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu,Select Philippians 1:19

20zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwese samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu.Select Philippians 1:20

21Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa mubairo.Select Philippians 1:21

22Asi kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi.Select Philippians 1:22

23Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa pakunaka;Select Philippians 1:23

24asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu.Select Philippians 1:24

25Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mese, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo,Select Philippians 1:25

26kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve.Select Philippians 1:26

27Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri;Select Philippians 1:27

28uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari.Select Philippians 1:28

29Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo;Select Philippians 1:29

30mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri.Select Philippians 1:30

Next: Philippians 2Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Philippians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.