Skip to content
Church.wiki
Philippians

Philippians 3

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyorerai zvinhu zvimwechetezvo, kwandiri zvirokwazvo hazvinetesi, asi kwamuri zvinokusimbisai.Select Philippians 3:1

2Chenjererai imbwa, chenjererai vabati vakaipa, chenjererai vekucheka;Select Philippians 3:2

3nokuti isu tiri kudzingiswa, vanonamata Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, uye tisingavimbi nenyama;Select Philippians 3:3

4kunyange ini ndingavawo nechivimbo munyama; kana umwewo achifunga kuvimba nenyama, zvikuru ini;Select Philippians 3:4

5ndakadzingiswa nezuva rerusere, ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru weVaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi;Select Philippians 3:5

6maererano nekushingaira ndichishusha kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa.Select Philippians 3:6

7Asi zvinhu zvaiva mubairo kwandiri, ndizvo zvandakaverenga kuva kurasikirwa nekuda kwaKristu.Select Philippians 3:7

8Hongu zvirokwazvo, uye ndinoverenga zvinhu zvese kuva kurasikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvese nekuda kwake, ndikazviidza kuva marara, kuti ndiwane Kristu;Select Philippians 3:8

9uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi kunobudikidzwa nerutendo rwaKristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo;Select Philippians 3:9

10kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake,Select Philippians 3:10

11kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa.Select Philippians 3:11

12Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndakatokwaniswa, asi ndinoteverera, kuti ndichibatewo, chandakabatirwawo naKristu Jesu.Select Philippians 3:12

13Hama, ini handizviverengi kuti ndachibata, asi ndinoita chinhu chimwe, ndichikanganwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi,Select Philippians 3:13

14ndinoteverera kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari muna Kristu Jesu.Select Philippians 3:14

15Naizvozvo isu tese takakwana, ngative nemufungo uyu; uye kana zvimwe mune umwe mufungo, Mwari achakuratidzai kunyange izvi.Select Philippians 3:15

16Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo iwoyu tifunge chinhu ichochi.Select Philippians 3:16

17Hama, ivai vatevedzeri vangu pamwe, natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvamakava nesu semuenzaniso.Select Philippians 3:17

18Nokuti vazhinji vanofamba, vandakakuudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuudzai kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu;Select Philippians 3:18

19kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kuri mukunyadzwa kwavo, vanofunga zvenyika.Select Philippians 3:19

20Nokuti ubwo hwedu huri kumatenga, uko kwatakataririrawo kuti Muponesi achabva, Ishe Jesu Kristu;Select Philippians 3:20

21uyo achavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvese pasi pake.Select Philippians 3:21

Next: Philippians 4Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Philippians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.