Skip to content
Church.wiki
Philippians

Philippians 4

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Naizvozvo, hama dzangu vadikanwi vanoshuviwa, mufaro wangu nekorona, saizvozvo mirai nesimba muna Ishe, vadikanwi.Select Philippians 4:1

2Ndinokumbirisa Yuodhia, uye ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemurangariro umwe muna Ishe.Select Philippians 4:2

3Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pabasa, batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremendi, nevamwe vakabata neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu.Select Philippians 4:3

4Farai muna Ishe nguva dzese; ndinotizve: Farai.Select Philippians 4:4

5Unyoro hwenyu ngahuzikanwe kuvanhu vese. Ishe ari pedo.Select Philippians 4:5

6Musafunganya pamusoro pechinhu, asi pazvinhu zvese, nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, zvichemo zvenyu ngazvizikanwe kuna Mwari,Select Philippians 4:6

7zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kwese, rwuchachengeta moyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.Select Philippians 4:7

8Pakupedzisira, hama, chese chechokwadi, chese chinokudzwa, chese chakarurama, chese chakachena, chese chinodikanwa, chese chinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, uye kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi;Select Philippians 4:8

9nezvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai izvozvo; naMwari werugare achava nemwi.Select Philippians 4:9

10Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, kuti ikozvino makatomutsiridzazve kundirangarira; kwamaindirangarirawo nako, asi makashaiwa mukana.Select Philippians 4:10

11Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nokuti ini ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri.Select Philippians 4:11

12Ndinoziva zvese kuzvidzwa, uye ndinoziva kuva nezvakawandisa; papi nepapi nepazvinhu zvese ndakadzidziswa zvese kuguta nekunzwa nzara, zvese kuva nezvizhinjisa nekushaiwa.Select Philippians 4:12

13Ndinogona kuita zvinhu zvese kubudikidza naKristu anondisimbisa.Select Philippians 4:13

14Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu.Select Philippians 4:14

15Zvino munozivawo imwi VaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva kuMakedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni pashoko rekupa nekugamuchira, asi imwi mega;Select Philippians 4:15

16nokuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe nekupamha pakushaiwa kwangu.Select Philippians 4:16

17Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu.Select Philippians 4:17

18Zvino ndagamuchira zvese uye ndawanzirwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibairo chinogamuchirwa, chinofadza Mwari.Select Philippians 4:18

19Asi Mwari wangu achazadzisa kushaiwa kwenyu kwese zvichienderana nefuma yake mukubwinya, muna Kristu Jesu.Select Philippians 4:19

20Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.Select Philippians 4:20

21Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.Select Philippians 4:21

22Vatsvene vese vanokukwazisai, zvikuruwo avo veimba yaKesari.Select Philippians 4:22

23Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Amen.Select Philippians 4:23

Next: Colossians 1Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Philippians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.