Acts 10
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Kwakange kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,Select Acts 10:1
2wakazvipira uye anotya Mwari pamwe neimba yake yese, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yese;Select Acts 10:2
3akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo!Select Acts 10:3
4Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari.Select Acts 10:4
5Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni anonzi Petro;Select Acts 10:5
6anogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri parutivi rwegungwa; iye achakuudza zvaunofanira kuita.Select Acts 10:6
7Zvino mutumwa wakange ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzese,Select Acts 10:7
8zvino wakati arondedzera zvinhu zvese kwavari, akavatuma kuJopa.Select Acts 10:8
9Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu.Select Acts 10:9
10Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira, chiyeverwa chikamuwira;Select Acts 10:10
11ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi.Select Acts 10:11
12Maiva nemhuka dzese dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.Select Acts 10:12
13Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye.Select Acts 10:13
14Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nokuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina.Select Acts 10:14
15Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba.Select Acts 10:15
16Zvino izvi zvakaitwa kusvikira katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga.Select Acts 10:16
17Zvino Petro wakati achakashamiswa maari kuti chiratidzo chaakange aona chairevei, zvino tarira, varume vakange vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo,Select Acts 10:17
18vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, anonzi Petro achigarapo.Select Acts 10:18
19Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.Select Acts 10:19
20Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usiri asina chokwadi nechinhu; nokuti ndini ndavatuma.Select Acts 10:20
21Petro ndokuburukira kuvarume vakange vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira?Select Acts 10:21
22Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neanotya Mwari, anopupurirwa nerudzi rwese rweVaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri.Select Acts 10:22
23Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza.Select Acts 10:23
24Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo wakange akavamirira, uye akadanira pamwe chete hama dzake neshamwari dzepedo.Select Acts 10:24
25Zvino zvakaitika kuti Petro apinda, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata.Select Acts 10:25
26Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo.Select Acts 10:26
27Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana,Select Acts 10:27
28ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena;Select Acts 10:28
29naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodanwa. Naizvozvo ndinobvunza, kuti mandidanira chinangwai?Select Acts 10:29
30Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvikira paawa rino ndakange ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndakange ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya,Select Acts 10:30
31ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari.Select Acts 10:31
32Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni anonzi Petro; iye anogara mumba maSimoni musuki wematehwe parutivi rwegungwa; iye kana auya achataura newe.Select Acts 10:32
33Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tese tiripo pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvese zvamakarairwa naIshe.Select Acts 10:33
34Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi musaruri wevanhu;Select Acts 10:34
35asi parudzi rupi nerupi uyo anomutya achiita kururama anogamuchirika kwaari.Select Acts 10:35
36Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevese).Select Acts 10:36
37Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya rese, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza;Select Acts 10:37
38raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nokuti Mwari waiva naye.Select Acts 10:38
39Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvese zvaakaita, zvese munyika yeVaJudha nemuJerusarema; iye wavakauraya, nekuremberedza pamuti.Select Acts 10:39
40Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe,Select Acts 10:40
41kwete kuvanhu vese, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekunwa naye, mushure mekunge amuka kubva kuvakafa.Select Acts 10:41
42Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.Select Acts 10:42
43Vaporofita vese vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani anotenda maari achagamuchira kanganwiro yezvivi.Select Acts 10:43
44Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo vese vakanzwa shoko.Select Acts 10:44
45Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vese vakange vauya naPetro, nokuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chakange chadururwa;Select Acts 10:45
46nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:Select Acts 10:46
47Kune munhu anogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo?Select Acts 10:47
48Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.Select Acts 10:48
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation