Acts 14
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge reVaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru cheVaJudha necheVaGirikiwo chakatenda.Select Acts 14:1
2Asi VaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.Select Acts 14:2
3Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.Select Acts 14:3
4Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva neVaJudha, vamwewo nevaapositori.Select Acts 14:4
5Zvino kwakati kwava nekushushwa kwevahedheni nekweVaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,Select Acts 14:5
6vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;Select Acts 14:6
7neipapo vakaparidza evhangeri.Select Acts 14:7
8Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.Select Acts 14:8
9Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe,Select Acts 14:9
10akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.Select Acts 14:10
11Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.Select Acts 14:11
12Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.Select Acts 14:12
13Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga.Select Acts 14:13
14Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,Select Acts 14:14
15ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri.Select Acts 14:15
16Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vese kufamba nenzira dzavo.Select Acts 14:16
17Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro.Select Acts 14:17
18Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari.Select Acts 14:18
19Asi kwakasvika VaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa.Select Acts 14:19
20Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.Select Acts 14:20
21Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya,Select Acts 14:21
22vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.Select Acts 14:22
23Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.Select Acts 14:23
24Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.Select Acts 14:24
25Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria;Select Acts 14:25
26vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravakange vapedzisa.Select Acts 14:26
27Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvese Mwari zvaakange aita navo, uye kuti wakange azarurira vahedheni mukova werutendo.Select Acts 14:27
28Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.Select Acts 14:28
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation