Acts 16
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki;Select Acts 16:1
2waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio.Select Acts 16:2
3Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kweVaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vese vakange vachiziva baba vake, kuti muGiriki.Select Acts 16:3
4Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete.Select Acts 16:4
5Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva.Select Acts 16:5
6Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia,Select Acts 16:6
7vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitiniasi; asi Mweya haana kuvatendera;Select Acts 16:7
8zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi.Select Acts 16:8
9Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia wakange amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire.Select Acts 16:9
10Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari.Select Acts 16:10
11Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori,Select Acts 16:11
12ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri.Select Acts 16:12
13Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.Select Acts 16:13
14Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro.Select Acts 16:14
15Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera.Select Acts 16:15
16Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka.Select Acts 16:16
17Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.Select Acts 16:17
18Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo.Select Acts 16:18
19Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru,Select Acts 16:19
20vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari VaJudha,Select Acts 16:20
21uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu VaRoma.Select Acts 16:21
22Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo.Select Acts 16:22
23Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo;Select Acts 16:23
24iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda.Select Acts 16:24
25Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa;Select Acts 16:25
26zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yese ikazarurwa, nezvisungo zvevese zvikasunungurwa.Select Acts 16:26
27Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.Select Acts 16:27
28Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tese.Select Acts 16:28
29Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi,Select Acts 16:29
30zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?Select Acts 16:30
31Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako.Select Acts 16:31
32Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vese vaiva mumba make.Select Acts 16:32
33Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vese.Select Acts 16:33
34Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yese achitenda kuna Mwari.Select Acts 16:34
35Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo.Select Acts 16:35
36Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare.Select Acts 16:36
37Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu VaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise.Select Acts 16:37
38Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti VaRoma,Select Acts 16:38
39ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta.Select Acts 16:39
40Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda.Select Acts 16:40
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation