Acts 17
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika, paiva nesinagoge reVaJudha;Select Acts 17:1
2zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, uye kwemasabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro,Select Acts 17:2
3achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumuka kubva kuvakafa, uye kuti: Uyu Jesu, ini wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu.Select Acts 17:3
4Zvino vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru cheVaGiriki vaishumira, nekuvakadzi vaikudzwa vasiri vashoma.Select Acts 17:4
5Asi VaJudha vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa dzaiva simbe dzepamusika, vakaita chaunga, vakamutsira guta bongozozo; vakawira imba yaJasoni, vachitsvaka kuvabudisira kuvanhu;Select Acts 17:5
6asi vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatungamiriri veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakanyonganisa nyika, ivo vasvika panowo,Select Acts 17:6
7avo Jasoni vaakagamuchira; uye ava vese vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari, vachiti umwe mambo ariko, anonzi Jesu.Select Acts 17:7
8Uye vakanyonganisa chaunga nevatungamiriri veguta vachinzwa zvinhu izvi.Select Acts 17:8
9Zvino vakati vatora rubatso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavaregedza.Select Acts 17:9
10Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge reVaJudha.Select Acts 17:10
11Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chese, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro.Select Acts 17:11
12Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevevakadzi vaikudzwa veVaGiriki, nevevarume vasiri vashoma.Select Acts 17:12
13Asi VaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriyawo, vakasvikapowo vakabvongodza zvaunga.Select Acts 17:13
14Zvino nenguva iyoyo pakarepo hama dzakatuma Pauro seanoenda kugungwa; asi Sirasi naTimotio vakasarapo.Select Acts 17:14
15Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa kuAtene; ndokuti vagamuchira kuraira kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidzise kuuya kwaari, vakabva vaenda.Select Acts 17:15
16Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakabvongonyodzeka maari, achiona guta rizere zvifananidzo.Select Acts 17:16
17Naizvozvo wakapikisana neVaJudha musinagoge nevainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevanenge varipo.Select Acts 17:17
18Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzeVaEpikuro nedzeVaStoiko dzakaita nharo naye. Vamwe ndokuti: Uyu mubvotomoki anoda kurevei? Asi vamwe vakati: Anenge muparidzi wevamwari vekumwe; nokuti neevhangeri wakavaparidzira Jesu nekumuka.Select Acts 17:18
19Zvino vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here kuti dzidziso iyi itsva inotaurwa newe chii?Select Acts 17:19
20Nokuti unouisa zvimwe zvinhu zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvinoda kuva zvii?Select Acts 17:20
21Nokuti vese VaAtene nevatorwa vaigarapo vakashandisa nguva yavo kwete pane chimwe chinhu, asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva.Select Acts 17:21
22Zvino Pauro amira pakati peAreopago, wakati: Varume VaAtene, pazvinhu zvese ndinoona kuti semune chitendero chikuru.Select Acts 17:22
23Nokuti ndati ndichipfuura nekucherekedza zvinhu zvenyu zvamunonamata, ndawana aritariwo yakanyorwa kuti: KUNA MWARI ASINGAZIKANWI. Naizvozvo uyo wamunonamata musingazivi, ndiye ini wandinokuparidzirai.Select Acts 17:23
24Mwari wakaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi, iye ari Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko,Select Acts 17:24
25uye haashumirwi nemaoko evanhu, seanoshaiwa chinhu, nokuti iye anopa vese upenyu nekufema nezvinhu zvese;Select Acts 17:25
26uye wakaita kubva paropa rimwe marudzi ese evanhu, kuti agare pachiso chese chenyika, atara nguva dzakagara dzatemwa uye miganhu yeugaro hwavo;Select Acts 17:26
27kuti vatsvake Ishe, zvimwe zvirokwazvo vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu.Select Acts 17:27
28Nokuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwewo vanyanduri vekwenyu vakati: Nokuti tiri zvizvarwa zvakewo.Select Acts 17:28
29Naizvozvo zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana negoridhe kana sirivheri kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana murangariro wemunhu.Select Acts 17:29
30Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, ikozvino anoraira vanhu vese kwese-kwese kuti vatendeuke.Select Acts 17:30
31Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza, akasimbisa kune vese, pakumumutsa kubva kuvakafa.Select Acts 17:31
32Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakasveveredza, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.Select Acts 17:32
33Zvino nokudaro Pauro wakabuda pakati pavo.Select Acts 17:33
34Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisiowo muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.Select Acts 17:34
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation