Acts 20
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Shure kwekuguma kwemhirizhonga, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, akabuda kuti aende kuMakedhonia.Select Acts 20:1
2Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi,Select Acts 20:2
3akati agara mwedzi mitatu, rangano yaitwa neVaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda kuSiriya nechikepe, akazvipira kudzokera nemuMakedhonia.Select Acts 20:3
4Zvino Sopatro weBheriya wakamuperekedza kusvika kuAsia, neveVaTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio, uye Tikiko naTrofimo VaAsia.Select Acts 20:4
5Ava vakatungamira vakatimirira paTroasi.Select Acts 20:5
6Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso, zvino takasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu, patakagara mazuva manomwe.Select Acts 20:6
7Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vakaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, achida kubva chifume, akaredzva nhaurwa kusvikira pakati peusiku.Select Acts 20:7
8Zvino kwakange kune mwenje mizhinji mukamuri yekumusoro mavakange vakaungana.Select Acts 20:8
9Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutikosi, rikabatwa nehope kwazvo, Pauro wakati achiparidza nguva refu, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, ndokunongwa rafa.Select Acts 20:9
10Zvino Pauro akaburuka akazviwisira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa; nokuti mweya waro uri mariri.Select Acts 20:10
11Wakati akwirazve ndokumedura chingwa ndokudya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda.Select Acts 20:11
12Zvino vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma.Select Acts 20:12
13Asi isu, takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe kuAso, takananga kukwidza Pauro ipapo; nokuti wakange aronga saizvozvo, iye achitarisira kufamba netsoka.Select Acts 20:13
14Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza tikasvika kuMitirene,Select Acts 20:14
15tikabva ipapo nechikepe, chifume tikasvika pakatarisana neKiyo; chifume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu, chifume tikasvika Mireto.Select Acts 20:15
16Nokuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, kuti asapedza nguva paAsia; nokuti waimhanya, kana zvichibvira kwaari, ave paJerusarema nezuva rePendekosita.Select Acts 20:16
17Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari.Select Acts 20:17
18Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imwi munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika muAsia, kuti ndakava nemwi sei nguva dzese,Select Acts 20:18
19ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kwese uye nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzeVaJudha;Select Acts 20:19
20kuti handina sei kuvanza zvezvingabatsira, kusakuparidzirai nekukudzidzisai pachena uye muimba neimba,Select Acts 20:20
21ndichipupura zvese kuVaJudha nekuVaGiriki kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu.Select Acts 20:21
22Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa neMweya, ndisingazivi zvichandiwira mariri,Select Acts 20:22
23kunze kwekuti Mweya Mutsvene anopupura muguta rimwe nerimwe achiti zvisungo nenhamo zvakandigarira.Select Acts 20:23
24Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengeri upenyu hwangu kuti chinhu chinokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura evhangeri yenyasha dzaMwari.Select Acts 20:24
25Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoziva kuti imwi mese, vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu.Select Acts 20:25
26Naizvozvo ndinopupura kwamuri nezuva ranhasi, kuti ini ndakachena paropa revese;Select Acts 20:26
27nokuti handina kuvanza kwekusakuparidzirai zano rese raMwari.Select Acts 20:27
28Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene.Select Acts 20:28
29Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka;Select Acts 20:29
30uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.Select Acts 20:30
31Naizvozvo rindai, murangarire kuti kwemakore matatu handina kuguma siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi.Select Acts 20:31
32Uye ikozvino hama, ndinokukumikidzai kuna Mwari nekushoko renyasha dzake, iye anogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevese vakaitwa vatsvene.Select Acts 20:32
33Handina kuchiva sirivheri kana goridhe kana nguvo yemunhu.Select Acts 20:33
34Imwiwo momene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevaiva neni.Select Acts 20:34
35Pazvinhu zvese ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vane utera, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira.Select Acts 20:35
36Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akafugama, akanyengetera navo vese.Select Acts 20:36
37Kukava nekuchema kwavo vese kukuru; vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda,Select Acts 20:37
38vachishungurudzika zvikuru neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chake. Zvino vakamuperekedza kuchikepe.Select Acts 20:38
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation