Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 22

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Varume, hama, nemadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu ikozvino kwamuri.Select Acts 22:1

2Vakati vachinzwa kuti anotaura nerurimi rwechiHebheru kwavari, vakanyanya kunyarara, zvino akati:Select Acts 22:2

3Ini ndiri zvirokwazvo murume muJudha, wakaberekerwa muTaso yeKirikia, akarerwa muguta rino pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa zvakasimba maererano nemurairo wemadzibaba, mushingairiri waMwari, sezvamuri mese nhasi;Select Acts 22:3

4waishusha nzira iyi kusvikira parufu, ndichisunga nekukumikidza mutirongo vese varume nevakadzi,Select Acts 22:4

5nemupristi mukuru sezvaanondipupurira, nedare rese remakurukota evakuru, kwandakagamuchirawo kwavari tsamba kuhama, ndikaenda kuDhamasiko kuti ndiuise kuJerusarema avo vaivapowo vakasungwa, kuti varangwe.Select Acts 22:5

6Zvino zvakaitika kuti ndichifamba ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo kwakapenya kubva kudenga chiedza chikuru chakandipoteredza.Select Acts 22:6

7Zvino ndakawira pasi, ndokunzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unondishushirei?Select Acts 22:7

8Ini ndikapindura, ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta waunoshusha iwe.Select Acts 22:8

9Zvino avo vaiva neni vakaona chiedza, uye vakatya; asi havana kunzwisisa inzwi rewakataura neni.Select Acts 22:9

10Zvino ndikati: Ndoita chii, Ishe? Ishe ndokuti kwandiri: Simuka uende kuDhamasiko; uye ikoko uchaudzwa maererano nezvinhu zvese zvakatarirwa iwe kuti uite.Select Acts 22:10

11Zvino zvandakange ndisingaoni nekubwinya kwechiedza icho, ndakatungamirirwa neruoko nevaiva neni, ndikasvika kuDhamasiko.Select Acts 22:11

12Zvino umwe Ananiasi, murume waishingaira pakunamata zvinoenderana nemurairo, waipupurirwa zvakanaka neVaJudha vese vakange vagerepo,Select Acts 22:12

13akauya kwandiri ndokumira padivi pangu akati kwandiri: Sauro hama, chionazve. Neni nenguva iyo ndikamuona.Select Acts 22:13

14Zvino akati: Mwari wemadzibaba edu wakagara akusarudza kuti uzive chido chake, nekuona Wakarurama, uye unzwe inzwi rinobva mumuromo wake.Select Acts 22:14

15Nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vese chezvawakaona nekunzwa.Select Acts 22:15

16Zvino ikozvino uchanonokerei? Simuka ubhabhatidzwe uye usukwe zvivi zvako, uchidana zita raIshe.Select Acts 22:16

17Zvino zvakaitika kuti ndadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera mutembere, ndikaita chiyeverwa chemweya,Select Acts 22:17

18ndokumuona achiti kwandiri: Kurumidza uye ubude muJerusarema ikozvino-zvino; nokuti havagamuchiri uchapupu hwako maererano neni.Select Acts 22:18

19Ini ndikati: Ishe, ivo vanoziva kuti ini ndaiisa mutirongo nekurova musinagoge rega-rega avo vaitenda kwamuri;Select Acts 22:19

20uye pakadururwa ropa raSitefano chapupu chenyu, neni ndakange ndimirepo ndichibvumirana nekuurawa kwake, uye ndakachengeta nguvo dzevaimuuraya.Select Acts 22:20

21Zvino akati kwandiri: Enda, nokuti ini ndichakutuma kure kuvahedheni.Select Acts 22:21

22Vakamuteerera kusvikira pashoko iri, ndokusimudza inzwi ravo vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti hazvina kufanira kuti ararame.Select Acts 22:22

23Zvino vachidanidzira, nekurasa nguvo, vachikushira guruva mumhepo,Select Acts 22:23

24mukuru wechuru wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto achiti abvunzurudzwe nekurohwa netyava, kuti azive kuti chikonzeroi chavaidanidzira kudai pamusoro pake.Select Acts 22:24

25Zvino vakati vamutandavadzira mberi nemakashu, Pauro akati kumukuru wezana wakange amirepo: Zviri pamutemo here kwamuri kurova netyava munhu ari muRoma uye asina kupiwa mhosva?Select Acts 22:25

26Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaswedera akaudza mukuru wechuru achiti: Chenjerai zvamoda kuita; nokuti munhu uyu muRoma.Select Acts 22:26

27Zvino mukuru wechuru akaswedera akati kwaari: Ndiudze, iwe uri muRoma here? Iye akati: Hongu.Select Acts 22:27

28Mukuru wechuru ndokupindura akati: Nemutengo mukuru ini ndakawana ugaro uhu. Pauro akati: Asi neni ndakaberekwa nahwo.Select Acts 22:28

29Naizvozvo pakarepo vakabva kwaari ivo vaiva vomubvunzurudza. Nemukuru wechuru wakatyawo aziva kuti iye muRoma, uye nokuti wakange amusunga.Select Acts 22:29

30Zvino chifume achida kuziva chokwadi, kuti nemhosva yei aipomerwa neVaJudha, wakamusunungura pazvisungo, akaraira kuti vapristi vakuru nedare ravo remakurukota rese vauye, akaburusira Pauro ndokugadzika pamberi pavo.Select Acts 22:30

Next: Acts 23Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.