Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 23

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yese yakanaka, kusvikira zuva rino.Select Acts 23:1

2Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove muromo.Select Acts 23:2

3Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari achakurova, madziro akadzudzurwa akacheneswa; nokuti iwe ugere kuti unditonge maererano nemurairo, zvino unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo here?Select Acts 23:3

4Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here?Select Acts 23:4

5Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vekwako.Select Acts 23:5

6Zvino Pauro wakati aziva kuti rimwe divi ndereVaSadhusi uye rimwe ndereVaFarisi, akadanidzira kudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wemuFarisi; ini ndinotongwa pamusoro petariro nekumuka kwevakafa.Select Acts 23:6

7Wakati areva izvi, kupesana kukauya pakati peVaFarisi neVaSadhusi, chaunga ndokukamukana.Select Acts 23:7

8Nokuti VaSadhusi vanoti hakuna kumuka, kana mutumwa, kana mweya; asi VaFarisi vanobvuma zviri zviviri.Select Acts 23:8

9Zvino mhere-mhere huru ikamuka; vanyori vekudivi reVaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya akataura naye kana mutumwa, hatingarwisani naMwari.Select Acts 23:9

10Zvino kupesana kukuru kwakati kwauya, mukuru wechuru akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise kuimba yemauto.Select Acts 23:10

11Zvino usiku hwakatevera Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nokuti sezvawakapupura zvinhu maererano neni paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kuti upupure kuRoma.Select Acts 23:11

12Zvino kwakati kwaedza, vamwe veVaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko, vachiti havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.Select Acts 23:12

13Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita mhiko iyi pamwe chete;Select Acts 23:13

14ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nemhiko huru, kuti hatidyi chinhu kusvikira tauraya Pauro.Select Acts 23:14

15Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatsobvunzisisa zviri maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya.Select Acts 23:15

16Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira, akauya akapinda mumba memauto, akaudza Pauro.Select Acts 23:16

17Pauro ndokudanira kwaari umwe wevakuru vezana akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nokuti rine chekutaura kwaari.Select Acts 23:17

18Zvino ndokumutora, akamuuisa kumukuru wechuru, ndokuti: Pauro musungwa wandidanira kwaari akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri, rine chekutaura kwamuri.Select Acts 23:18

19Mukuru wechuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunacho chekundiudza?Select Acts 23:19

20Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai, kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana, sevanoda kunyatsobvunzisisa chimwe chinhu maererano naye.Select Acts 23:20

21Naizvozvo imwi musatendeswa navo; nokuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana, vakazvisunga nemhiko kuti havangadyi kana kunwa kusvikira vamuuraya; zvino ikozvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso kubva kwamuri.Select Acts 23:21

22Naizvozvo mukuru wechuru wakaregera jaya richienda, ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.Select Acts 23:22

23Zvino akadanira kwaari vamwe vaviri vevakuru vezana, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri kuti afambe kusvikira Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku;Select Acts 23:23

24muvawanisewo zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro vamuise akachengeteka kumutungamiriri Ferikisi;Select Acts 23:24

25akanyora tsamba yakatakura zvemukati izvi:Select Acts 23:25

26Kiraudhio Risia kuna Ferikisi mutungamiriri changamire, kwaziwai.Select Acts 23:26

27Uyu murume wakabatwa neVaJudha, uye angadai akaurawa navo, ndikasvika nemauto ndikamununura, ndanzwa kuti muRoma.Select Acts 23:27

28Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera nacho, ndikamuburusira kudare ravo remakurukota;Select Acts 23:28

29ndikawana achipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana zvisungo.Select Acts 23:29

30Zvino ndakati ndaziviswa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemurume uyu neVaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomumhan'arira kuti vataure pamberi penyu zvavanopesana naye. Chisarai.Select Acts 23:30

31Zvino mauto, sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa kuAntipatiri neusiku.Select Acts 23:31

32Zvino chifume, vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto;Select Acts 23:32

33ivo vakati vasvika kuKesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake.Select Acts 23:33

34Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino aziva kuti ndeweKirikia,Select Acts 23:34

35akati: Ndichakunzwa, kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.Select Acts 23:35

Next: Acts 24Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.