Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 24

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino mushure memazuva mashanu Ananiasi mupristi mukuru wakaburuka nevakuru neumwe mumiririri wainzi Teturo; vakamhan'arira Pauro kumutungamiriri.Select Acts 24:1

2Zvino wakati adanwa, Teturo akatanga kumupa mhosva achiti: Rugare rukuru tinorwuwana nemwi, nemabasa akanaka akaitika murudzi rwuno neurongwa hwenyu,Select Acts 24:2

3tinozvigamuchira nemitoo yese nepanzvimbo dzese, changamire Ferikisi, nekuvonga kwese.Select Acts 24:3

4Asi kuti ndisaramba ndichikubatirirai, ndinokukumbirai zvikuru kuti netsitsi dzenyu mutinzwe muchidimbu.Select Acts 24:4

5Nokuti takawana murume uyu ari hosha huru, anomutsa bongozozo pakati peVaJudha vese panyika yese, ari mutungamiriri weboka reVaNazareta.Select Acts 24:5

6Iye wakaidzawo kushatisa tembere; watakabatawo tichida kumutonga maererano nemurairo wedu,Select Acts 24:6

7zvino mukuru wehondo Risiasi wakauya ndokumutora nechisimba chikuru mumaoko edu,Select Acts 24:7

8akaraira vaimupa mhosva kuti vauye kwamuri; wamunogona kuti mukumubvunzisisa momene muchawana ruzivo rwezvinhu izvi zvese isu zvatinomupira mhosva.Select Acts 24:8

9NeVaJudha vakabvumawo, vachiti zvinhu izvi zvakadaro.Select Acts 24:9

10Zvino Pauro wakapindura, mutungamiriri amuninira kuti ataure, akati: Nokuti ndinoziva kuti mava wemakore mazhinji muri mutongi kurudzi urwu, ndinozvidavirira nemufaro mukuru zviri maererano neni,Select Acts 24:10

11sezvo mungagona kuziva kuti mazuva achigere kupfuura gumi nemaviri kwandiri, kubvira pandakakwira kuJerusarema kunonamata;Select Acts 24:11

12uye havana kundiwana mutembere ndichiita nharo nemunhu, kana kumutsira chaunga bongozozo, kunyange mumasinagoge kana muguta rese;Select Acts 24:12

13uye havagoni kupa uchapupu pamusoro pezvinhu zvavanondimhan'arira ikozvino.Select Acts 24:13

14Asi ndinobvuma izvi kwamuri, kuti nenzira yavanoti kutsauka, saizvozvo ndinoshumira Mwari wemadzibaba, ndichitenda zvinhu zvese zvakanyorwa pamurairo wese nepavaporofita;Select Acts 24:14

15ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanomirirawo vamene, kuti kuchava nekumuka kwevakafa, kwevakarurama pamwe nevasakarurama.Select Acts 24:15

16Uye pachinhu ichi ini ndinoidza, kuti nguva dzese ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nekuvanhu.Select Acts 24:16

17Zvino shure kwemakore mazhinji ndakasvika kuzopa zvipo zvenyasha kurudzi rwangu nezvibairo;Select Acts 24:17

18ndiri pane izvozvi vamwe VaJudha vakabva Asia vakandiwana ndakanatswa mutembere, pasina chaunga, pasina bongozozo;Select Acts 24:18

19vanofanira kuva pano pamberi penyu vandipe mhosva kana vane chekupokana neni;Select Acts 24:19

20kana ivo pachavo ngavareve vamene, kuti vakawana chii chisakarurama mandiri, pandakamira pamberi pedare remakurukota,Select Acts 24:20

21kunze kweshoko iri rimwe, randakadanidzira ndimire pakati pavo rekuti: Maererano nekumuka kwevakafa ini ndinotongwa nemwi nhasi.Select Acts 24:21

22Asi Ferikisi wakati anzwa zvinhu izvi achiziva zvakanyanya zvenzira iyo akambovamisa, achiti: Kana Risiasi mutungamiri wechuru aburukira pano, ndichanyatsoongorora zviri maererano nemwi;Select Acts 24:22

23ndokuraira mukuru wezana kuti achengete Pauro, uye ave nerusununguko, uye kuti varege kudzivisa umwe wevekwake kushumira kana kumushanyira.Select Acts 24:23

24Zvino shure kwemamwe mazuva, Ferikisi wakasvika nemukadzi wake Drusira muJudhakadzi, akatuma kunodana Pauro, akamunzwa pamusoro perutendo kuna Kristu.Select Acts 24:24

25Zvino wakati achataura zvekururama nezvekuzvidzora uye zvekutonga kunouya, Ferikisi akatya akapindura akati: Enda zvaikozvino; kana ndikazova nenguva yakafanira, ndichakudana;Select Acts 24:25

26panguva iyoyo waitarisirawo kuti mari ichapiwa kwaari naPauro, kuti amusunungure; naizvozvo wakamudanawo kazhinji achitaura naye.Select Acts 24:26

27Asi makore maviri akati azadziswa, Ferikisi akagamuchira waimutevera Pokio Fesitasi; Ferikisi akada kufadza VaJudha akasiya Pauro akasungwa.Select Acts 24:27

Next: Acts 25Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.