Acts 25
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.Select Acts 25:1
2Zvino mupristi mukuru nevakuru veVaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,Select Acts 25:2
3vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira.Select Acts 25:3
4Asi Fesitasi wakapindura, kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako.Select Acts 25:4
5Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva.Select Acts 25:5
6Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe.Select Acts 25:6
7Zvino wakati asvika, VaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavakange vasingagoni kusimbisa,Select Acts 25:7
8iye achizvidavirira akati: Kumurairo weVaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu.Select Acts 25:8
9Asi Fesitasi achida kufadza VaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?Select Acts 25:9
10Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuVaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo.Select Acts 25:10
11Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari.Select Acts 25:11
12Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.Select Acts 25:12
13Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi.Select Acts 25:13
14Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa,Select Acts 25:14
15wandakati pandakange ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru veVaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo unopokana naye.Select Acts 25:15
16Vandakapindura, kuti haisi tsika yeVaRoma kukumikidza pachena chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva.Select Acts 25:16
17Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe.Select Acts 25:17
18Vamhan'ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini,Select Acts 25:18
19asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu wakange afa, Pauro waaiti mupenyu.Select Acts 25:19
20Zvino ini zvandakange ndisina chokwadzi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.Select Acts 25:20
21Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.Select Acts 25:21
22Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.Select Acts 25:22
23Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, vakauya naPauro.Select Acts 25:23
24Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vese vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chese cheVaJudha wachakandikumbira zvese paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.Select Acts 25:24
25Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira.Select Acts 25:25
26Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora.Select Acts 25:26
27Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye.Select Acts 25:27
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation