Acts 5
Shona Bible
Translation: SHONA
1Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa nhumbi dzake,Select Acts 5:1
2akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori.Select Acts 5:2
3Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda?Select Acts 5:3
4Uchiripo hauna kuramba uri wako here, watengeswa wakange usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.Select Acts 5:4
5Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi.Select Acts 5:5
6Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga.Select Acts 5:6
7Zvino zvakaitika maawa anenge matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda.Select Acts 5:7
8Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, nezvakadai.Select Acts 5:8
9Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze.Select Acts 5:9
10Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, akamutakurira kunze ndokuviga nechepamurume wake.Select Acts 5:10
11Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yese nepamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi.Select Acts 5:11
12Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vese vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni.Select Acts 5:12
13Asi pavamwe kwakange kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.Select Acts 5:13
14Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi.Select Acts 5:14
15Zvekuti vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, uye vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire umwe wavo.Select Acts 5:15
16Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vese.Select Acts 5:16
17Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevese vaiva naye vari sangano reVaSadhusi, vakazara negodo,Select Acts 5:17
18vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vese.Select Acts 5:18
19Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati:Select Acts 5:19
20Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu ese mashoko eupenyu uhu.Select Acts 5:20
21Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yese yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe.Select Acts 5:21
22Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira shoko,Select Acts 5:22
23achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kwese, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu.Select Acts 5:23
24Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakasava nechokwadi pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei.Select Acts 5:24
25Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu.Select Acts 5:25
26Zvino mutungamiriri nemapurisa vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nokuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe.Select Acts 5:26
27Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza,Select Acts 5:27
28achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu.Select Acts 5:28
29Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.Select Acts 5:29
30Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakauraya imwi, mukaremberedza pamuti.Select Acts 5:30
31Iye uyu Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Muvambi neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi.Select Acts 5:31
32Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera.Select Acts 5:32
33Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvauraya.Select Acts 5:33
34Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vese, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chidiki.Select Acts 5:34
35Ndokuti kwavari: Varume VaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita.Select Acts 5:35
36Nokuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudhasi, achiti iye pachake wakange ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevese vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, vakava pasina.Select Acts 5:36
37Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva ekuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevese vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa.Select Acts 5:37
38Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nokuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa.Select Acts 5:38
39Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo.Select Acts 5:39
40Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza.Select Acts 5:40
41Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake.Select Acts 5:41
42Uye mazuva ese mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Jesu Kristu.Select Acts 5:42
Shona Bible (SHONA) · GFDL