Acts 6
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti* akanangana neVaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaiva dzisingatariswi pakushandirwa kwemusi umwe neumwe.Select Acts 6:1
2Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande matafura.Select Acts 6:2
3Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurirwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri.Select Acts 6:3
4Asi isu tichatsungirira pamunyengetero neushumiri hweshoko.Select Acts 6:4
5Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chese; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikoraosi weAndiyokiya wakatendeukira kuVaJudha,Select Acts 6:5
6vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo.Select Acts 6:6
7Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi chakateerera rutendo.Select Acts 6:7
8Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.Select Acts 6:8
9Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi reVakasununguka, neVaKureni, neVaAreksandiria, nereavo vaibva Kirikia neAsia, vachikakavadzana naSitefano.Select Acts 6:9
10Asi vakange vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo.Select Acts 6:10
11Ipapo vakamutsa varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari.Select Acts 6:11
12Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota,Select Acts 6:12
13ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura achipokana nenzvimbo iyi tsvene nemurairo,Select Acts 6:13
14nokuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta achaparadza nzvimbo iyi, uye achashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza.Select Acts 6:14
15Zvino vese vakange vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa.Select Acts 6:15
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation