Acts 7
Shona Bible
Translation: SHONA
1Zvino mupristi mukuru akati: Ko zvinhu izvi zvakadai here?Select Acts 7:1
2Zvino akati: Varume, hama nemadzibaba, teererai. Mwari wekubwinya wakaonekwa kuna baba vedu Abhurahama vari muMesopotamia, vasati vagara Harani,Select Acts 7:2
3akati kwaari: Buda munyika yako nekuhama dzako, uuye kunyika yandichakuratidza.Select Acts 7:3
4Zvino vakabuda munyika yeVaKaradhia, vakagara muHarani; zvino kubva ipapo shure kwekufa kwababa vavo, wakavabvisira kunyika iyi yamunogara imwi ikozvino;Select Acts 7:4
5asi haana kuvapa nhaka mairi, kwete kunyange chitsiko chetsoka, asi wakavimbisa kuvapa iyo ive yavo, neyembeu yavo shure kwavo, vasati vava nemwana.Select Acts 7:5
6Mwari ndokutaura seizvi, kuti mbeu yavo ichava mutorwa kunyika yeumweni, uye vachaiita nhapwa nekuibata zvakaipa makore mazana mana;Select Acts 7:6
7asi rudzi urwo rwavachava varanda kwarwuri ndicharwutonga ini, wakadaro Mwari; uye shure kweizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo ino.Select Acts 7:7
8Zvino akavapa sungano yedzingiso, naizvozvowo vakabereka Isaka, vakamudzingisa zuva rerusere; naIsaka wakabereka Jakobho; naJakobho mateteguru gumi nemaviri.Select Acts 7:8
9Mateteguru akagodoka, vakatengesa Josefa kuEgipita; asi Mwari waiva naye.Select Acts 7:9
10Akamusunungura pamatambudziko ake ese, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao mambo weEgipita; ndokumuita mutungamiriri pamusoro peEgipita neimba yake yese.Select Acts 7:10
11Zvino kwakauya nzara panyika yese yeEgipita neKenani, nedambudziko guru; madzibaba edu akasawana kudya.Select Acts 7:11
12Asi Jakobho wakati anzwa kuti kwaiva nezviyo kuEgipita, wakatuma madzibaba edu kwekutanga.Select Acts 7:12
13Zvino kwechipiri Josefa wakaziviswa kuvanakomana vababa vake; uye rudzi rwaJosefa rwukaziviswa kuna Farao.Select Acts 7:13
14Zvino Josefa akatumira akadana baba vake Jakobho nehama dzake dzese, iri mweya makumi manomwe nemishanu.Select Acts 7:14
15Zvino Jakobho akaburukira Egipita, ndokufa iye nemadzibaba edu;Select Acts 7:15
16uye vakatakurirwa Shekemi, vakaradzikwa paguva Abhurahama raakange atenga nemutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi.Select Acts 7:16
17Zvino nguva yechivimbiso yakati yaswedera Mwari chaakange apikira kuna Abhurahama, vanhu vakakura, vakawanda muEgipita,Select Acts 7:17
18kusvikira umwe mambo amuka wakange asingazivi Josefa.Select Acts 7:18
19Ndiye wakabata rudzi rwedu nemano-mano, akatambudza madzibaba edu, achivarasisa vacheche vavo kuti varege kurarama.Select Acts 7:19
20Munguva iyoyo Mozisi wakaberekwa, uye wakange akanaka kuna Mwari; ndokurerwa mumba mababa vake mwedzi mitatu.Select Acts 7:20
21Zvino wakati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akazvirerera iye kuti ave mwanakomana wake.Select Acts 7:21
22Mozisi akadzidziswa muuchenjeri hwese hweVaEgipita; akava nesimba pamashoko nepamabasa.Select Acts 7:22
23Zvino makore makumi mana akati asvika kwaari, zvakasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.Select Acts 7:23
24Zvino achiona umwe achiitirwa zvisakarurama, akamurwira ndokutsivira wakange achitambudzwa, akarova muEgipita;Select Acts 7:24
25zvino waifunga kuti hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari anovapa ruponeso neruoko rwake; asi havana kunzwisisa.Select Acts 7:25
26Zvino zuva raitevera wakazvionesa kwavari vachirwa, akavayananisa nesimba achiti: Varume, imwi muri hama; munoitiranirei zvisakarurama?Select Acts 7:26
27Zvino iye wakange achiitira umwe wake zvakaipa wakamusundidzira achiti: Ndiani wakuita mutungamiriri nemutongi pamusoro pedu?Select Acts 7:27
28Iwe unoda kundiuraya, sezvo wakauraya muEgipita zuro here?Select Acts 7:28
29Zvino neshoko iri Mozisi wakatiza, ndokuva mutorwa munyika yeMidhiani, kwaakabereka vanakomana vaviri.Select Acts 7:29
30Zvino makore makumi mana akati azadziswa, kwakaonekwa kwaari murenje regomo Sinai mutumwa waIshe mumurazvo wemoto wemugwenzi.Select Acts 7:30
31Mozisi wakati aona, akashamisika nechionekwa ichi; zvino paaiswedera kunocherekedza, inzwi raIshe rikasvika kwaari richiti:Select Acts 7:31
32Ndini Mwari wemadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mozisi akadedera akasashinga kucherekedza.Select Acts 7:32
33Zvino Ishe akati kwaari: Kurura shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi ivhu dzvene.Select Acts 7:33
34Ndaonesesa dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, ndikanzwa kugomera kwavo, zvino ndaburuka kuzovasunungura; ikozvino uya, ndichakutuma kuEgipita.Select Acts 7:34
35Uyu Mozisi wavakaramba vachiti: Ndiani wakakuita mutungamiri nemutongi? Ndiye Mwari waakatuma kuva mutungamiriri nemudzukunuri neruoko rwemutumwa, wakaonekwa kwaari mugwenzi.Select Acts 7:35
36Iye akavabudisa, aita zvishamiso nezviratidzo munyika yeEgipita nemuGungwa Dzvuku, nemurenje makore makumi mana.Select Acts 7:36
37Ndiye uyu Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamunzwa iye.Select Acts 7:37
38Uyu ndiye wakange ari mukereke murenje, ane mutumwa wakataura naye mugomo Sinai ane madzibaba edu; wakagamuchira mashoko mapenyu kuti atipe.Select Acts 7:38
39Ndiye madzibaba edu wavakange vasingadi kuteerera; asi vakamusundidzira parutivi, vakadzokera kuEgipita mumoyo yavo.Select Acts 7:39
40Vachiti kuna Aroni: Tiitire vamwari vachatitungamirira; nokuti Mozisi uyu wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvamuwira.Select Acts 7:40
41Zvino vakaita mhuru mumazuva ayo, vakauisa chibairo kuchifananidzo, vakafara nemabasa emaoko avo.Select Acts 7:41
42Zvino Mwari akafuratira, akavakumikidza kuti vashumire hondo yekudenga, sezvakanyorwa mubhuku revaporofita, zvichinzi: Ko makauisa kwandiri here zvibairo nezvipo makore makumi mana murenje, imwi imba yaIsraeri?Select Acts 7:42
43Uye makatakura tabhenakeri yaMoroki, nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; uye ndichakutamisirai mberi kweBhabhironi.Select Acts 7:43
44Madzibaba edu aiva netabhenakeri yeuchapupu murenje, sekuraira kwaiye wakataura naMozisi kuti aiite nemufananidzo waakange aona;Select Acts 7:44
45yakatiwo madzibaba edu aitevera aigamuchira, akaipinza pamwe naJoshua munhumbi dzevahedheni, Mwari vaakadzinga pamberi pechiso chemadzibaba edu, kusvika kumazuva aDhavhidhi;Select Acts 7:45
46wakawana nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuwanira Mwari waJakobho tabhenakeri.Select Acts 7:46
47Asi Soromoni wakamuvakira imba.Select Acts 7:47
48Asi Wekumusoro-soro haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, sezvinoreva muporofita achiti:Select Acts 7:48
49Denga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadini? ndizvo zvinoreva Ishe; kana nzvimbo yezororo rangu ndeipi?Select Acts 7:49
50Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu izvi zvese here?Select Acts 7:50
51Imwi vemitsipa mikukutu uye vasina kudzingiswa pamoyo nenzeve, imwi munogara muchipikisa Mweya Mutsvene; semadzibaba enyu saizvozvo imwi.Select Acts 7:51
52Ndeupi wevaporofita madzibaba enyu wavasina kushusha? Vakauraya avo vaifanozivisa nezvekuuya kweWakarurama, iye ikozvino wamava vatengesi nevaurayi vake.Select Acts 7:52
53Imwi vakagamuchira murairo neurongwa hwevatumwa, asi mukasauchengeta.Select Acts 7:53
54Zvino vanzwa zvinhu izvi vakabaiwa pamoyo yavo, vakamugedera-gedera meno.Select Acts 7:54
55Asi azere neMweya Mutsvene wakatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,Select Acts 7:55
56akati: Tarirai, ndinoona matenga akazaruka, neMwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.Select Acts 7:56
57Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira paari nemoyo umwe;Select Acts 7:57
58vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe; nezvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya rainzi Sauro.Select Acts 7:58
59Zvino vakataka Sitefano nemabwe, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.Select Acts 7:59
60Zvino wakafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavaverengera chivi ichi. Zvino wakati areva izvi, akarara.Select Acts 7:60
Shona Bible (SHONA) · GFDL