Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 8

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Zvino Sauro wakange achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vese ndokuparadzirwa kunyika dzese dzeJudhiya neSamaria, kunze kwevaapositori.Select Acts 8:1

2Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru.Select Acts 8:2

3Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda muimba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo.Select Acts 8:3

4Naizvozvo avo vakange vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko.Select Acts 8:4

5Firipi ndokuburukira kuguta reSamaria, akaparidza Kristu kwavari.Select Acts 8:5

6Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, pavakanzwa nekuona zviratidzo zvaaiita.Select Acts 8:6

7Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vakange vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa.Select Acts 8:7

8Zvino kwakava nemufaro mukuru muguta iro.Select Acts 8:8

9Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un'anga paguta, achishamisa rudzi rweSamaria, achizviti munhu mukuru;Select Acts 8:9

10wavaiteerera vese kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari.Select Acts 8:10

11Zvino vaimuteerera, nokuti wakange avashamisa neun'anga nguva refu.Select Acts 8:11

12Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vese varume nevakadzi.Select Acts 8:12

13NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa.Select Acts 8:13

14Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani;Select Acts 8:14

15ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene;Select Acts 8:15

16nokuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete.Select Acts 8:16

17Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene.Select Acts 8:17

18Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akavavigira mari,Select Acts 8:18

19achiti: Ndipei neni simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene.Select Acts 8:19

20Asi Petro wakati kwaari: Sirivheri yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nokuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari.Select Acts 8:20

21Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.Select Acts 8:21

22Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemoyo wako uukanganwirwe.Select Acts 8:22

23Nokuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi.Select Acts 8:23

24Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu zvamataura chingawira pamusoro pangu.Select Acts 8:24

25Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yeVaSamaria.Select Acts 8:25

26Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje.Select Acts 8:26

27Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira murume weEtiopia, mutenwa, gurukota guru raKandase mambokadzi weVaEtiopia, waiona nezvefuma yake yese, uye wakange auya kuJerusarema kuzonamata,Select Acts 8:27

28wakange achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya.Select Acts 8:28

29Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyi.Select Acts 8:29

30Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here?Select Acts 8:30

31Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye.Select Acts 8:31

32Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatungamirirwa segwai rinoenda kunobaiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.Select Acts 8:32

33Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani acharondedzera zera rake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.Select Acts 8:33

34Mutenwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita anoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo?Select Acts 8:34

35Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu.Select Acts 8:35

36Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; mutenwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa?Select Acts 8:36

37Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wese, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.Select Acts 8:37

38Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemutenwa; ndokumubhabhatidza.Select Acts 8:38

39Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; mutenwa ndokusazomuonazve; nokuti wakafamba nenzira yake achifara.Select Acts 8:39

40Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri kumaguta ese, kusvikira asvika paKesariya.Select Acts 8:40

Next: Acts 9Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.