James 1
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.Select James 1:1
2Zvitorei semufaro wese, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana,Select James 1:2
3muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;Select James 1:3
4asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.Select James 1:4
5Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vese, uye asingatuki, zvino achadzipiwa.Select James 1:5
6Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.Select James 1:6
7Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.Select James 1:7
8Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzese.Select James 1:8
9Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;Select James 1:9
10nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.Select James 1:10
11Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.Select James 1:11
12Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana atendwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda.Select James 1:12
13Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.Select James 1:13
14Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezwa.Select James 1:14
15Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.Select James 1:15
16Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.Select James 1:16
17Chipo chese chakanaka nechipiwa chese chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.Select James 1:17
18Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.Select James 1:18
19Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;Select James 1:19
20nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.Select James 1:20
21Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvese nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.Select James 1:21
22Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.Select James 1:22
23Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;Select James 1:23
24nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.Select James 1:24
25Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.Select James 1:25
26Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.Select James 1:26
27Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.Select James 1:27
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation