James 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kukuru.Select James 3:1
2Nokuti tese tinogumburwa pazvinhu zvizhinji. Kana umwe asingagumburwi pashoko, ndiye murume wakaperedzerwa, anogona kudzorawo muviri wese.Select James 3:2
3Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, ndokutenderedza muviri wawo wese.Select James 3:3
4Tarirai, nezvikepe, kunyange zviri zvikuru zvakadai, uye zvichitinhwa nemhepo dzine simba, zvinonangiswa nechidzoreso chidiki diki, chero kupi kunodikanwa nechishuwo chemufambisi.Select James 3:4
5Rwakadarowo rurimi rwuri mutezo mudiki, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto mudiki unotungidza matanda akakura sei!Select James 3:5
6Nerurimi moto, nyika yeuipi; ndizvo zvakaita rurimi rwakaiswa pakati pemitezo yedu, rwunosvibisa muviri wese, nekutungidza nzira yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena.Select James 3:6
7Nokuti marudzi ese emhuka neeshiriwo, neezvesewo zvinokambaira neezvisikwa zvegungwa anopingudzwa uye akapingudzwa nechisikirwo chevanhu;Select James 3:7
8asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi; uipi husingadzoreki, rwuzere nechepfu inouraya.Select James 3:8
9Narwo tinorumbidza Mwari uye Baba, narwowo tinotuka vanhu vakaitwa nemufananidzo waMwari;Select James 3:9
10mumuromo umwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hazvina kufanira, hama dzangu, izvi zvive saizvozvo.Select James 3:10
11Chitubu chingadzutura pamuromo umwe chinonaka nechinovava here?Select James 3:11
12Hama dzangu, muonde unogona kubereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo hakuna chitubu chinobudisa mvura inovava neinonaka.Select James 3:12
13Ndiani wakachenjera neanonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.Select James 3:13
14Asi kana mune godo rinovava nerukave mumoyo wenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.Select James 3:14
15Uhu hausi uchenjeri hunoburuka kubva kumusoro, asi hwenyika, hwechisikirwo, hweudhimoni.Select James 3:15
16Nokuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nekuita kwese kwakaipa.Select James 3:16
17Asi uchenjeri hunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, husina kutsaura, uye husina kunyengera.Select James 3:17
18Uye chibereko chekururama chinodzvarwa murugare kune vanoita rugare.Select James 3:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation