Skip to content
Church.wiki
James

James 4

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Dzinobvepi hondo nekurwa pakati penyu? Hazvibvi apa here, pakuchiva kwenyu kunorwa pamitezo yenyu?Select James 4:1

2Munoshuva, asi hamuna chinhu; munouraya uye munoshumba, asi hamugoni kuwana chinhu; munorwa muchiita hondo, asi hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri.Select James 4:2

3Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muparadze pakuchiva kwenyu.Select James 4:3

4Imwi mhombwe nemhombwekadzi, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika ruvengo kuna Mwari? Naizvozvo umwe neumwe anoda kuva shamwari yenyika, anova muvengi waMwari.Select James 4:4

5Kana munofunga kuti rugwaro rwunotaura pasina maturo here kuti: Mweya wakagara mukati medu anochivira godo?Select James 4:5

6Asi anopa nyasha huru; saka anoti: Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.Select James 4:6

7Naizvozvo muzviise pasi kuna Mwari; pikisai dhiabhorosi, zvino achakutizai.Select James 4:7

8Swederai kuna Mwari, naiye achaswedera kwamuri; shambai maoko, vatadzi, uye muchenure moyo, imwi vemoyo miviri.Select James 4:8

9Tambudzikai uye chemai uye rirai; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nemufaro uve kusuruvara.Select James 4:9

10Zvininipisei pamberi paIshe, uye achakusimudzai.Select James 4:10

11Musareverana zvakaipa, hama. Anorevera hama zvakaipa uye kutonga hama yake, anorevera murairo zvakaipa, nekutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hausi muiti wemurairo, asi mutongi.Select James 4:11

12Umwe chete ndiye mutemi wemurairo, anogona kuponesa nekuparadza; iwe ndiwe ani anotonga umwe?Select James 4:12

13Uyai ikozvino imwi munoti: Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rekuti, tigogarako gore rimwe, tigotengeserana, tigowana mubairo;Select James 4:13

14imwi musingazivi zvamangwana. Nokuti upenyu hwenyu chii? Nokuti imhute inoonekwa nguva diki, ipapo ndokunyangarika.Select James 4:14

15Pakuti muti: Kana Ishe achida, tichararamawo, tigoita ichi kana icho.Select James 4:15

16Asi ikozvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwese kwakadai kwakaipa.Select James 4:16

17Naizvozvo anoziva kuita zvakanaka asingazviiti, chivi kwaari.Select James 4:17

Next: James 5Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

James

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.