Skip to content
Church.wiki
Ephesians

Ephesians 3

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Nemhaka yeizvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu vahedheni,Select Ephesians 3:1

2kana zvirokwazvo makanzwa nezvekushandiswa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri pamusoro penyu,Select Ephesians 3:2

3kuti sechakazarurwa wakandizivisa chakavanzika, sezvandakambonyora nemashoko mashoma;Select Ephesians 3:3

4naizvozvo kana muchirava, munogona kunzwisisa ruzivo rwangu muchakavanzika chaKristu;Select Ephesians 3:4

5icho pane mamwe mazera chisina kuziviswa kuvanakomana vevanhu, sezvachozarurwa ikozvino kuvaapositori vake vatsvene nevaporofita muMweya;Select Ephesians 3:5

6kuti vahedheni vave vadyi venhaka pamwe nesu uye vemuviri umwe nevagovani vechivimbiso chake muna Kristu kubudikidza neevhangeri,Select Ephesians 3:6

7yandakaitwa nayo mushumiri zvichienderana nechipo chenyasha dzaMwari chakapiwa kwandiri nekubata kwesimba rake.Select Ephesians 3:7

8Kwandiri ndiri mudiki kumudikisa wevatsvene vese, nyasha idzi dzakapiwa, kuti ndiparidze pakati pevahedheni fuma isinganzvereki yaKristu,Select Ephesians 3:8

9nekuita kuti vese vaone kuti kudyidzana kwakadini kwechakavanzika chakange chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu,Select Ephesians 3:9

10kuti ikozvino kuchenjera kwakasiyana-siyana kwaMwari kuziviswe nekereke paushe nepamasimba panzvimbo dzekudenga,Select Ephesians 3:10

11sechiga chekusingaperi chaakatema muna Kristu Jesu Ishe wedu;Select Ephesians 3:11

12maari tine kutsunga nekupinda nechivimbo, nerutendo rwake.Select Ephesians 3:12

13Naizvozvo ndinokumbira kuti murege kuora moyo pamatambudziko angu pamusoro penyu, ndiwo kurumbidzwa kwenyu.Select Ephesians 3:13

14Nekuda kweizvozvi ndinofugama mabvi angu kuna Baba vaIshe wedu Jesu Kristu,Select Ephesians 3:14

15rudzi rwese rwuri kumatenga nepanyika rwunotumidzwa mavari,Select Ephesians 3:15

16kuti vakupei, zvichienderana nefuma yekubwinya kwavo, musimbiswe musimba neMweya wake mumunhu wemukati,Select Ephesians 3:16

17kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo; mune midzi uye makateiwa nheyo murudo,Select Ephesians 3:17

18kuti mugone kwazvo kunzwisisa pamwe nevatsvene vese, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika chii,Select Ephesians 3:18

19nekuziva rudo rwaKristu rwunopfuura ruzivo, kuti muzadzwe mukuzara kwese kwaMwari.Select Ephesians 3:19

20Zvino kune ane simba rekuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvese zvatinokumbira kana kufunga, maererano nesimba rinobata matiri,Select Ephesians 3:20

21kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvikira kumarudzi ese narinhi narinhi. Ameni.Select Ephesians 3:21

Next: Ephesians 4Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Ephesians

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.