Skip to content
Church.wiki
Ephesians

Ephesians 4

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Naizvozvo ndinokukumbirisai, ini musungwa muna Ishe, kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,Select Ephesians 4:1

2pamwe nekuzvininipisa kwese neunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo,Select Ephesians 4:2

3muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare.Select Ephesians 4:3

4Kune muviri umwe uye Mweya umwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yekudanwa kwenyu;Select Ephesians 4:4

5Ishe umwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe,Select Ephesians 4:5

6Mwari umwe naBaba vevese, ari pamusoro pevese, uye kubudikidza nevese, nekwamuri mese.Select Ephesians 4:6

7Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu.Select Ephesians 4:7

8Naizvozvo anoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu.Select Ephesians 4:8

9Zvino izvi kuti: Wakakwira, chii kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzenyika?Select Ephesians 4:9

10Wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ese, kuti azadzise zvinhu zvese.Select Ephesians 4:10

11Zvino iye wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi,Select Ephesians 4:11

12kuitira kukwaniswa kwevatsvene, pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu;Select Ephesians 4:12

13kusvikira tese tasvika paumwe hwerutendo, nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, pamurume wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu;Select Ephesians 4:13

14kuti tisazova vacheche, vanodzungaidzwa nemafungu kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso, nekunyengera kwevanhu, pakunyengera, kumano ekutsauka;Select Ephesians 4:14

15asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvese, iye musoro, Kristu;Select Ephesians 4:15

16kunobva kwaari muviri wese, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe-mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo.Select Ephesians 4:16

17Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni vanofamba mukushaya maturo kwefungwa yavo,Select Ephesians 4:17

18vakasvibiridzwa mufungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda koukukutu hwemoyo yavo;Select Ephesians 4:18

19ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwese neruchiva.Select Ephesians 4:19

20Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,Select Ephesians 4:20

21kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu;Select Ephesians 4:21

22kuti murase zvinoenderana nemufambiro wekutanga, munhu wekare, anoodzwa nekuchiva kwekunyengera;Select Ephesians 4:22

23uye muvandudzwe mumweya wefungwa yenyu,Select Ephesians 4:23

24uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa maererano naMwari mukururama neutsvene hwechokwadi.Select Ephesians 4:24

25Naizvozvo muchiisa nhema parutivi, mutaure chokwadi umwe neumwe kune umwe wake; nokuti tiri mitezo, umwe weumwe.Select Ephesians 4:25

26Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu;Select Ephesians 4:26

27uye musapa dhiabhorosi nzvimbo.Select Ephesians 4:27

28Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti abate nesimba chinhu chakanaka nemaoko, kuti ave nechaangapa anoshaiwa.Select Ephesians 4:28

29Shoko ripi zvaro rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi chero kana rakanakira kuvaka sezvakafanira, kuti ripe nyasha kune vanonzwa.Select Ephesians 4:29

30Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaiswa mucherechedzo maari kusvikira pazuva redzukunuro.Select Ephesians 4:30

31Shungu dzese, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nekutuka ngazvibviswe kwamuri neuipi hwese;Select Ephesians 4:31

32asi ivai nemoyo munyoro umwe kune mumwe, muchinzwira tsitsi, muchikanganwirana, Mwari sezvaakakukanganwiraiwo muna Kristu.Select Ephesians 4:32

Next: Ephesians 5Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Ephesians

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.