Ephesians 5
Shona Bible
Translation: SHONA
1Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa;Select Ephesians 5:1
2uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira.Select Ephesians 5:2
3Asi upombwe netsvina yese kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;Select Ephesians 5:3
4neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.Select Ephesians 5:4
5Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.Select Ephesians 5:5
6Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera.Select Ephesians 5:6
7Naizvozvo regai kuva vagovani navo.Select Ephesians 5:7
8Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.Select Ephesians 5:8
9Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kwese nekururama nechokwadi,Select Ephesians 5:9
10muchiongorora zvinofadza kuna Ishe;Select Ephesians 5:10
11uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo;Select Ephesians 5:11
12nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura.Select Ephesians 5:12
13Asi zvinhu zvese zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvese zvinoratidzwa chiedza.Select Ephesians 5:13
14Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera.Select Ephesians 5:14
15Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;Select Ephesians 5:15
16muchidzikunura nguva, nokuti mazuva akaipa.Select Ephesians 5:16
17Naizvozvo musava matununu, asi vanonzwisisa zviri kuda kwaIshe.Select Ephesians 5:17
18Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya,Select Ephesians 5:18
19muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe,Select Ephesians 5:19
20muchipa kuvonga nguva dzese pamusoro pezvinhu zvese kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu,Select Ephesians 5:20
21muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.Select Ephesians 5:21
22Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sekuna Ishe,Select Ephesians 5:22
23nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.Select Ephesians 5:23
24Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chese.Select Ephesians 5:24
25Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;Select Ephesians 5:25
26kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko,Select Ephesians 5:26
27kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.Select Ephesians 5:27
28Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye.Select Ephesians 5:28
29Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke;Select Ephesians 5:29
30nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemafupa ake.Select Ephesians 5:30
31Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.Select Ephesians 5:31
32Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.Select Ephesians 5:32
33Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume.Select Ephesians 5:33
Shona Bible (SHONA) · GFDL