Skip to content
Church.wiki
Ephesians

Ephesians 6

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama.Select Ephesians 6:1

2Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,Select Ephesians 6:2

3kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.Select Ephesians 6:3

4Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.Select Ephesians 6:4

5Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama sekuna Kristu;Select Ephesians 6:5

6kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;Select Ephesians 6:6

7muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;Select Ephesians 6:7

8muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka.Select Ephesians 6:8

9Nemwi madzitenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu.Select Ephesians 6:9

10Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake.Select Ephesians 6:10

11Shongai zvombo zvese zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi;Select Ephesians 6:11

12nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga.Select Ephesians 6:12

13Saka torai zvombo zvese zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvese, mumire.Select Ephesians 6:13

14Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,Select Ephesians 6:14

15uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare;Select Ephesians 6:15

16pamusoro pezvese matora nhoo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yese inopfuta yewakaipa.Select Ephesians 6:16

17Uye torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari;Select Ephesians 6:17

18muchinyengetera nguva dzese nemunyengetero wese nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kwese nekukumbirira vatsvene vese,Select Ephesians 6:18

19nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,Select Ephesians 6:19

20yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.Select Ephesians 6:20

21Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvese;Select Ephesians 6:21

22wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.Select Ephesians 6:22

23Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.Select Ephesians 6:23

24Nyasha ngadzive nevese vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.Select Ephesians 6:24

Next: Philippians 1Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Ephesians

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.