Revelation 10
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino ndakaona umwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga, akapfekedzwa gore; nemurarabungu uri mumusoro make, uye chiso chake chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzemoto;Select Revelation 10:1
2uye wakange ane bhuku diki rakazaruka muruoko rwake; ndokuisa rutsoka rwake rwerudyi pamusoro pegungwa, nerweruboshwe pamusoro penyika;Select Revelation 10:2
3zvino akadanidzira nenzwi guru seshumba inodzvova; wakatiwo adanidzira, kutinhira kunomwe kukareva manzwi ako.Select Revelation 10:3
4Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva manzwi ako, ndakange ndododa kunyora; ndokunzwa inzwi kubva kudenga richiti kwandiri: Zarira nemucherechedzo kutinhira kunomwe zvakwareva, uye usanyora zvinhu izvi.Select Revelation 10:4
5Zvino mutumwa wandakaona amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika wakasimudzira ruoko rwake kudenga,Select Revelation 10:5
6ndokupika naiye anorarama kusvikira rinhi narinhi, wakasika denga nezviri mariri, nenyika nezviri mairi, negungwa nezviri mariri, kuti nguva haichazovipo.Select Revelation 10:6
7Asi pamazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana woda kuridza, ipapo chakavanzika chaMwari chapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake vaporofita.Select Revelation 10:7
8Zvino inzwi randakanzwa kubva kudenga, rakataura kwandirizve, ndokuti: Enda, tora bhuku diki rakazaruka riri muruoko rwemutumwa amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika.Select Revelation 10:8
9Zvino ndakaenda kumutumwa, ndichiti kwaari: Ndipe bhuku diki. Zvino akati kwandiri: Tora ugoridya uripedze; zvino richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira seuchi.Select Revelation 10:9
10Zvino ndakatora bhuku diki kubva muruoko rwemutumwa, ndokuridya rikapera; ndokuva mumuromo mangu seuchi, kutapira; asi ndaridya, dumbu rangu rakavava.Select Revelation 10:10
11Zvino akati kwandiri: Iwe unofanira kuporofitazve pamberi pevanhu nendudzi nendimi nemadzimambo mazhinji.Select Revelation 10:11
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation