Skip to content
Church.wiki
Revelation

Revelation 12

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino kwakaonekwa chiratidzo chikuru kudenga, mukadzi akapfeka zuva, nemwedzi uri pasi petsoka dzake, nepamusoro wake korona yenyeredzi gumi nembiri;Select Revelation 12:1

2uye wakange ane pamuviri, akadanidzira achirwadziwa nemimba, uye achitambudzwa kupona.Select Revelation 12:2

3Zvino kwakaonekwa chimwe chiratidzo kudenga, tarirawo, zibukanana ziguru zidzvuku, rine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamisoro yaro korona nomwe.Select Revelation 12:3

4Zvino muswe waro wakakweva chetatu chenyeredzi dzekudenga, ndokudzikandira panyika; zibukanana ndokumira pamberi pemukadzi wakange oda kupona, kuti kana apona, agoparadza mwana wake.Select Revelation 12:4

5Zvino wakapona mwana mukomana, wakange oda kufudza marudzi ese netsvimbo yedare; mwana wake ndokubvutirwa kuna Mwari nekuchigaro chake cheushe.Select Revelation 12:5

6Zvino mukadzi akatizira kurenje, kwaakange ane nzvimbo yakagadzirwa kubva kuna Mwari, kuti vamuriritira ipapo mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu.Select Revelation 12:6

7Zvino kukava nehondo kudenga; Mikaeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana ndokurwa rine vatumwa varo;Select Revelation 12:7

8asi havana kukunda, uye nzvimbo yaro haina kuzowanikwa zvekare kudenga.Select Revelation 12:8

9Zvino zibukanana ziguru rakakandwa, nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi uye Satani, anonyengera nyika yese; wakakandirwa panyika, nevatumwa vake vakakandwa pamwe naye.Select Revelation 12:9

10Zvino ndakanzwa inzwi guru richiti kudenga: Ikozvino ruponeso rwasvika, nesimba, neushe hwaMwari wedu, neumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi, anovapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku.Select Revelation 12:10

11Zvino ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko reuchapupu hwavo, uye havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.Select Revelation 12:11

12Naizvozvi farai, matenga nemwi munogara maari. Mune nhamo vagari venyika negungwa, nokuti dhiabhorosi wakaburukira kwamuri ane kutsamwa kukuru, nokuti anoziva kuti ane nguva diki.Select Revelation 12:12

13Zvino zibukanana rakati raona kuti rakandirwa panyika, rakashusha mukadzi wakapona murume.Select Revelation 12:13

14Zvino kumukadzi kwakapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanonoriritirwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, abve pauso hwenyoka.Select Revelation 12:14

15Zvino nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo yakaita serwizi shure kwemukadzi kuti imukonzerese kukukurwa nerwizi.Select Revelation 12:15

16Zvino nyika yakabatsira mukadzi, nyika ndokushamisa muromo wayo, ikamedza rwizi zibukanana rwarakabudisa mumuromo maro.Select Revelation 12:16

17Zvino zibukanana rakatsamwira mukadzi, rikaenda kunoita hondo nevakasara vembeu yake, vanochengeta mirairo yaMwari, vane uchapupu hwaJesu Kristu.Select Revelation 12:17

Next: Revelation 13Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Revelation

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.