Skip to content
Church.wiki
Revelation

Revelation 15

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga chikuru uye chinoshamisa, vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nokuti mune awa kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa.Select Revelation 15:1

2Ndikaona segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, neavo vakakunda chikara nemufananidzo wacho nemucherechedzo wacho, nenhamba* yezita racho, vamire pagungwa regirazi, vane udimbwa hwaMwari.Select Revelation 15:2

3Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari nerwiyo rweGwayana, vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, Mambo wevatsvene.Select Revelation 15:3

4Ndiani angatongorega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nokuti ndimwi mega mutsvene; nokuti marudzi ese achauya uye achanamata pamberi penyu; nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.Select Revelation 15:4

5Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetabhenakeri yeuchapupu mukudenga;Select Revelation 15:5

6zvino kwakabuda vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe mutembere, vakapfeka mucheka wakachena unopenya, uye vakamonerwa pazvifuva nemabhanhire egoridhe.Select Revelation 15:6

7Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzizere nehasha dzaMwari, anorarama kusvikira rinhi narinhi.Select Revelation 15:7

8Tembere ndokuzadzwa neutsi hunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava newakagona kupinda mutembere, kusvikira matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.Select Revelation 15:8

Next: Revelation 16Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Revelation

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.