Revelation 18
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino shure kwezvinhu izvi ndakaona umwe mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ndokuvhenekerwa nokubwinya kwake.Select Revelation 18:1
2Akadanidzira nesimba nenzwi guru, achiti: Rawa, rawa Bhabhironi guru, uye rava ugaro hwemadhimoni, nejere remweya yese yetsvina, nedendere reshiri dzese dzetsvina dzinovengwa.Select Revelation 18:2
3Nokuti marudzi ese akanwa zvewaini yehasha dzeupombwe hwaro, nemadzimambo enyika akaita upombwe naro, nevashambadzi venyika vakafuma nesimba reumbozha hwaro.Select Revelation 18:3
4Zvino ndakanzwa rimwe inzwi kubva kudenga richiti: Budai kubva mariri vanhu vangu, kuti murege kuva vagovani vezvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira zvematambudziko aro;Select Revelation 18:4
5nokuti zvivi zvaro zvasungana kusvika kudenga, naMwari warangarira zvisakarurama zvaro.Select Revelation 18:5
6Muritsive sezvarakakutsivaiwo imwi, muchiripamhidzira kupamhidzira kunoenderana nemabasa aro; mumukombe iwoyo marakasanganisa iro, murisanganisire kakapamhidzirwa.Select Revelation 18:6
7Separakazvikudza kudai napo nekurarama muumbozha, murirwadzise nekurishungurudza saizvozvo; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara ndiri mambokadzi, uye handisi chirikadzi, uye handingatongooni kuchema.Select Revelation 18:7
8Naizvozvo achasvika nezuva rimwe matambudziko aro, rufu nekuchema nenzara; uye richapiswa kwazvo nemoto; nokuti ane simba Ishe Mwari anoritonga.Select Revelation 18:8
9Nemadzimambo enyika akaita upombwe nekurarama paumbozha naro acharira pamusoro paro nekuchema pamusoro paro, pavachaona utsi hwekupiswa kwaro;Select Revelation 18:9
10vamire kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru Bhabhironi, guta rakasimba, nokuti kutongwa kwako kwasvika neawa rimwe.Select Revelation 18:10
11Uye vashambadzi venyika vacharira nekuchema pamusoro paro, nokuti hakuchina munhu achatenga zvitengeswa zvavozve;Select Revelation 18:11
12zvitengeswa zvegoridhe, nezvesirivheri, nezveibwe rinokosha, nezvemaparera* nezvemucheka wakaisvonaka, nezvine ruvara rwehute, nezvesiriki*, nezvezvitsvuku, nemuti umwe neumwe unonhuhwira, nemarudzi ese emidziyo yenyanga dzenzou, nemarudzi ese emidziyo yematanda anokoshesesa, nezvendarira, nezvedare, nezvemabwe machena;Select Revelation 18:12
13nekinamoni*, nezvinonhuhwira, namafuta ekuzora, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, newaini, nemafuta, neupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, nemakwai, nezvemabhiza, nengoro, nenhapwa, nemweya yevanhu.Select Revelation 18:13
14Zvino michero yaichiviwa nemoyo wako yakabva kwauri, nezvinhu zvese zvinobwinya nezvinopenya zvabva kwauri, haungatongozviwanizve.Select Revelation 18:14
15Vashambadzi vezvinhu izvi, vakafumiswa naro, vachamira kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachichema nekurira,Select Revelation 18:15
16uye vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, rakange rakapfeka mucheka wakaisvonaka nezvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye rakashongedzwa negoridhe nebwe rinokosha nemaparera!Select Revelation 18:16
17Nokuti neawa rimwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Uye mufambisi wezvikepe umwe neumwe, nevese vanofamba pamwe muzvikepe, nevafambi vemuchikepe, nevabati vese vepagungwa vakamira kure,Select Revelation 18:17
18ndokudanidzira vachiona utsi hwekutsva kwaro, vachiti: Nderipi rakafanana naro guta guru?Select Revelation 18:18
19Zvino vakadira guruva pamisoro yavo, ndokudanidzira vachirira nekuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, maifumiswa nezvinokosha zvaro vese vaiva nezvikepe pagungwa; nokuti rakaparadzwa neawa rimwe.Select Revelation 18:19
20Fara pamusoro paro, iwe denga, nemwi vaapositori vatsvene, nevaporofita, nokuti Mwari wakatonga mutongo wenyu kwariri.Select Revelation 18:20
21Zvino mutumwa umwe ane simba wakasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akaposhera mugungwa, achiti: Saizvozvo nechisimba Bhabhironi guta guru richaposherwa uye harichazotongowanikwizve.Select Revelation 18:21
22Nenzwi revaridzi veudimbwa nerevaimbi nerevaridzi venyere nerevaridzi vehwamanda, harichatongonzwikwizve mauri, nemhizha yeumhizha hupi nehupi haichatongowanikwizve mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwikwizve mauri;Select Revelation 18:22
23uye chiedza chemwenje hachichatongovhenekerizve mauri, nenzwi remuwani neremwenga harichatongonzwikwizve mauri; nokuti vashambadzi vako vaiva vakuru venyika; nokuti neuroyi hwako marudzi ese akatsauswa.Select Revelation 18:23
24Zvino mariri makawanikwa ropa revaporofita nerevatsvene, nerevese vakauraiwa panyika.Select Revelation 18:24
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation