Revelation 2
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Kumutumwa wekereke yeEfeso nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe,Select Revelation 2:1
2achiti: Ndinoziva mabasa ako, nekuremerwa kwako, nekutsungirira kwako, uye kuti haugoni kumirisana nevakaipa, uye wakavaidza ivo vanoti vaapositori asi vasiri ivo, uye wakavawana vari varevi venhema,Select Revelation 2:2
3wakamirawo uye ukava nemoyo murefu, uye nekuda kwezita rangu wakarwisa, ukasaneta.Select Revelation 2:3
4Asi ndine kupikisana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga.Select Revelation 2:4
5Naizvozvo rangarira pawakawa, uye tendeuka, uitewo mabasa ekutanga; kana zvikasadarowo ndichauya kwauri nekukurumidza, uye ndichabvisa chigadziko chako chemwenje kubva panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.Select Revelation 2:5
6Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa aVaNikoraiti, neni andinovenga.Select Revelation 2:6
7Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Kuna iye anokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu uri pakati peParadhiso yaMwari.Select Revelation 2:7
8Nekumutumwa wekereke yeSimirina nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura Wekutanga neWekupedzisira, wakava akafa ndokurarama:Select Revelation 2:8
9Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekutuka kwevanoti ivo VaJudha pachavo, asi vasiri, asi vari sinagoge raSatani.Select Revelation 2:9
10Usatya chimwe chezvinhu zvaoda kutambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kukanda vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, zvino ndichakupa korona yeupenyu.Select Revelation 2:10
11Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda haatongokuvadzwi nerufu rwechipiri.Select Revelation 2:11
12Uye kumutumwa wekereke yePegamo nyora uti: Zvinhu izvi anotaura iye ane munondo unopinza mativi maviri:Select Revelation 2:12
13Ndinoziva mabasa ako uye paunogara, ipo pane chigaro cheushe chaSatani, uye wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange pamazuva paiva naAntipasi, chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani.Select Revelation 2:13
14Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, nokuti unavo ipapo vanobatirira dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kukanda chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabairwa zvifananidzo nekuita upombwe.Select Revelation 2:14
15Saizvozvo newe unavo vanobatisisa dzidziso yeVaNikoraiti, chinhu chandinovenga.Select Revelation 2:15
16Tendeuka; zvino kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu.Select Revelation 2:16
17Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda, ndichapa kwaari kuti adye kubva pamana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risina anoziva, kunze kweanorigamuchira.Select Revelation 2:17
18Nekumutumwa wekereke iri paTiatira nyora uti: Izvi anoreva Mwanakomana waMwari, ane meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira yakakwenenzverwa:Select Revelation 2:18
19Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira, nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako, uye kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga.Select Revelation 2:19
20Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, kuti unotendera mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe nekudya zvakabairwa zvifananidzo.Select Revelation 2:20
21Zvino ndakamupa nguva kuti atendeuke kubva paufeve hwake, asi haana kutendeuka.Select Revelation 2:21
22Tarira, ini ndichamukandira panhovo, nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kana vasingatendeuki kubva pamabasa avo.Select Revelation 2:22
23Uye ndichauraya vana vake murufu; nemakereke ese achaziva kuti ini ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu.Select Revelation 2:23
24Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vari paTiatira, vese vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura vachiti: Handingakutakudzii umwe mutoro.Select Revelation 2:24
25Asi izvo zvamunazvo batisisai kusvikira ndichiuya.Select Revelation 2:25
26Uye anokunda nekuchengeta mabasa angu kusvikira pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi;Select Revelation 2:26
27uye achaatonga netsvimbo yedare; semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu.Select Revelation 2:27
28Uye ndichamupa nyeredzi yemangwanani.Select Revelation 2:28
29Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.Select Revelation 2:29
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation